Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vanti havasi kuona kuzvipira kweRussia neChina panyaya yekuunza runyararo muUkraine.
VaBlinken avo vari kushanya kuUzbekistan vati kana Russia ikaratidza kuzvipira mukupedza hondo, America yakagadzirira kushanda nayo.
Asi vanoti mashoko emutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin ekuti vari kuda kuti matunhu avakapamba arambe ari pasi penyika yavo haaratidze kuzvipira.
VaBlinken vati zviri kutaurwa neChina kuda kuti pave nerunyararo zvakanaka chose asi zvairi kuita hazvienderana nezvairi kutaura. Vanoti China iri kutora divi reRussia painenge ichida kutorerwa matanho.
Sangano remuAmerica reThe Center for Strategic and International Studies rinoti mauuto eRussia anogona kusvika zviuru makumi masere kana kuti 80,000 aurayiwa muUkraine kubva gore rapera zvatanga hondo iyi.
Facebook Forum