Accessibility links

Breaking News

Sangano reThe Rudo Project, iro Rakaumbwa naMuzvare Sarah Makwara, Roenderera Mberi neKubatsira Vanoshaya Vari kuMusha kuZimbabwe


Muzvare Sarah Makwara, avo vakavamba sangano reThe Rudo Project
Muzvare Sarah Makwara, avo vakavamba sangano reThe Rudo Project

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zvekuZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa mabasa ekubatsira vanoshaya ari kubatwa naMuzvare Sarah Makwara, avo vane sangano ravo rinonzi The Rudo Project, iro riri kubatsira vanoshaya vari kumusha kuZimbabwe.

Muzvare Makwara, avo vane makore makumi maviri nematatu ekuberekwa, vanogara nevabereki vavo mudunhu reMaryland muAmerica.

Vanobatsira kuburikidza nesangano ravo iri kubhadharira vana mari dzechikoro, kuvawanisa zvikwanisiro zvinodiwa mukudzidza kwavo zvinosanganisira mabhuku nembatya, uyewo kutsvagira misha inochengeterwa nherera mbatya nezvimwe zvikwanisiro.

Vanobatsirawo kutsvagira vanasikana vari kuyaruka zvavanoda mukukura kwavo.

Kunyange hazvo ivo vachiri kuchikoro uko vari kuita zvidzidzo zvavo zvepamusorosoro, izvi hazvivashaise nguva yekurangairira vari kutambura.

Nekuda kwekubatikana nenyaya yezvidzidzo, Studio 7 haina kukwanisa kuwana mukana wekutaura navo, asi takwanisa kubata baba vavo, VaSolomon Makwara, avo vanoti mhuri yavo yose inopa mwanasikana uyu rutsigiro rwaanoda kuti akwanise kufambisa sangano rake, reThe Rudo Project mberi.

Sangano re The Rudo Project rinobatsira vanoshaya vari kumusha.
Sangano re The Rudo Project rinobatsira vanoshaya vari kumusha.

VaMakwara vanoti mwanasikana wavo akatanga chido chekubatsira vanoshaya muna 2013 apo vakaenda naye kunoshanya kumusha kunove kwaakaona vana vanogara mumigwagwa vachipemha zvekudya pamwe nemari, izvo zvakamupawo pfungwa yekuda kunzwisisa kuti zvii zvaikonzera kuti vana ava vagare mumigwagwa?

Vanoti pakazouya denda reCovid-19 muna 2020, Muzvare Makwara vakawedzera kubatsira kwavo kuburikidza nekutumira mari nezvikwanisiro zvekushandisa mudzimba, muzvikoro nemumisha inochengeterwa nherera, panguva imwechete vachiwedzerawo rubatsiro kuvana vanobhadharirwa mari dzechikoro nesangano ravo.

VaMakwara vanoti vanotenda zvikuru nerubatsiro rwuri kuwanikwa nemwanasikana wavo kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica pamwe nevana vezvikoro muAmerica vari kubatsira nemabasa akasiyanasiyana musangano iri.

Vanoda kubatsira kana kubatsirwa kanawo kuziva zvizhinji pamusoro pesangano reThe Rudo Project vanogona kuwana sangano iri padandemutande reFacebook kana paInstagram @RudoProject kana pa https://www.rudoproject.org

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG