Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzorohwa Zvakaipisisa neKusungwa neMapurusa kuKadoma


Nhengo dzebato reZanu PF gumi nenhanhatu idzo dzakarohwa nemapurisa ndokusungwa dzichipomerwa mhosva yekuungana dzisina mvumo dziri kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nhasi kana mangwana muKadoma.

Pane kunakurirana nyoka mhenyu pakati pemapurisa nevatsigiri veZanu-PF ava panyaya yekuti chii chakakonzera mhirizhonga iyi. Asi vakaona zvichiitika vaudza Studio 7 kuti mapurisa akanetsana nevatsigiri veZanu-PF vanoita basa rekutakura vanhu nemotokari dzavo diki kana kuti mishikashika.

Mapurisa anosimbonzi anovaregeza vachiita madiro aJojina anonzi akafuma achidya magaka mambishi ndokuvatandanisa zvakaita kuti vaende kunomhan’ara kuna mudzviti weKadoma VaEmmanuel Mhlanga.

Asi mapurisa aoona nezvekudzivirira mhirizhonga kana kuti Reaction Team vakasvika ndokurova nhengo idzi nekudzisunga asi vamwe vavo vanonzi vakatiza.

Mumwe akatiza asi azozvipira kumapurisa nhasi VaLenny Samhembere vanovawo mushandi wekanzuru yeKadoma.

VaSamhembere vachitaura vari pamapurisa anochengetedza mutemo kana kuti Law and Order muKadoma vaudza Studio 7 kuti vazvipira kumapurisa vanzwa kuti vari kutsvagwa.

Vanoti vange vari kutarisira kuenda kumatare nhasi kana mangwana vachipomerwa mhosva yekuungana vasina mvumo kana kuti illegal gathering.

Mukukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF Vatafadzwa Mugwadi vati zvakakosha kuti vanhu kusanganisa nhengo dzebato ravo vatevedzere mutemo.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC VaWitness Dube vanoti kutungana kwembudzi vachiti nyaya yacho hapana kwainoenda.

Mapato anopikisa anogaro pomera mapurisa mhosva yekuti havasunge nhengo dzebato reZanu PF kana dzatyora mutemo.

Hatina kunzwa divi remapurisa kuti vasungwa ava vachaenda riinhi kumatare sezvo mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Amai Margaret Chindove vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG