Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzira veMaindastiri Kushandisa Zvigadzirwa zvemuNyika Kuti Vanhu Vawane Mabasa


Doctor Sekesai Nzenza
Doctor Sekesai Nzenza

Zimbabwe yave nemakore akawamda kubv zvayadzika mutemo wekukurudzira vemaindustry kuti vashandise zvimwe zvinhu zvinogadzirwa munyika mukuita basa ravo kana kuti local content threshold.

Hurumende kutanga muna 2019 yakati shuviro yayo yaive yekuti vanogadzira zvinhu munyika panopera gore rino ra2023 vashandise zvinobva munyika zvikamu makumi masere kubva muzana. Asi vemaindastiti munyika vari kutatarika kuita izvi nezvikonzero zvinosanganisa kudhura kwekugadzira zvinhu munyika nekushaya mari.

Nyanzvi munezvehupfumi VaVictor Boroma vati vemaindasitiri vakashandisa zviwanikwa zvemuno kugadzira zvinhu zvinosimudzira hupfumi hwenyika.

Vati kutenderera kwemari mumakambani emunyika kunopawo kuti mitero inobhadharwa kuhurumende iwande zvinozopa kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo nekugadzira migwagwa nezvimwe.

Asi VaBoroma vanoti chirikunetsa munyika inyaya yekuti zvishandiswa zvinodiwa nemaindasitiri zvishoma.

Gwaro reongororo yezvekutenga nekutengeserana rakabudiswa neZimbabwe Statistical Agency (ZIMSTAT) mukutanga kwemwedzi uno, rinoratidzawo kuti mumwedzi waZvita Zimbabwe yakatenga zvinhu zvakawanda kubva kunze kwenyika zvichienzaniswa nezvayakatengesa kunze kwenyika izvo zvakasiya gwanza rinonzi pachirungu trade deficit.

Muzvinafundo Albert Makochekanwa chipangamazano chehurumende panyaya yekushandisa zvinogadzirwa munyika vanoti Zimbabwe ichiri kure nekuzadzikisa donzvo rayo.

VaMakochekanwa avo vakatarisa makambani anogadzira mafotireza, mishonga yekurapa nezvekurongedzera zvinhu vati tsvakurudzo yavo yakabudisa pachena kuti zvinotevera ndizvo zviri kuita kuti makambani asashandise zvinhu zvinowanikwa munyika mukugadzira zvinhu.

Kuti Zimbabwe ikwanise kugadzirisa dambudziko iri vaMakochekanwa vati vemaIndasitiri vanodawo kuwana mari ine mutengo uri pasi.

VaPheneas Bvaka mutevedzeri wasachigaro musangano rinomiririra avo vanogadzira zvinhu zvekurongedzera zvinhu (packaging) reFederation of Master Printers of Zimbabwe vanoti kushaikwa kwemichina yechimanje manje kunoita kuti zvinogadzirwa munyika zvive nemitengo yepamusoro.

Amai Sandra Davidzo vanotengesawo mishonga yekuchenesa muzvimbuzi nemudzimba vanoti kunyangwe hazvo vachiziva kukosha kwekugadzira mishonga yavo nezvinhu zvinowanikwa munyika zvinhu izvi zvinemitengo yepamusoro.

Hurumende inoti mukugadzirwa kwefotireza , mishonga pamwe nemapepa ekurongedzera zvinhu, zvikamu makumi masere kubva muzana zvezvinhu zvinoshandiswa zvinobva kunze kwenyika .

Zimbabwe iri kubatsirwa neUnited Nations Economic Commission for Africa (UNECA) mukuyedza kuzadzikisa donzvo rayo iri . VaOliver Maponga vanoshanda kuUNECA vati donzvo ravo nehurumende nderekuti vemaIndasitiri vati.

VaMaponga vatsinhira kuti kushandiswa kwezviwanikwa zvemunyika kunobatsira nyika zvakanyanya mukuumba mabasane zvimwewo.

Gurukota rinoona nezvemaindustry Amai Sekai Nzenza vanoti vakabudirira kuzadzikisa hurongwa uhu Zimbabwe inokwanisa kunge yadzikisa hurombo mune wakawanda kana kuti Upper Middle-Income Society. Vanotiwo vachabatsira vemaIndustry nemari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG