Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vonyoresa kuVhota muHarare ZEC Ichi Kurudzirwa Kuwedzera Vashandi Vanoita Basa Iri Pamwe neMichina yeKushandisa


Vanoda kunyoresa kuvhota vakamira mumutsetse kuBudiriro muHarare.
Vanoda kunyoresa kuvhota vakamira mumutsetse kuBudiriro muHarare.

Vanhu vanoda kunyoresa kuzovhota musarudzo dziri kuuya gore rino vanonzi vabuda nehuwandu hwavo muHarare achienda kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, ari paMakombe Building nepaCecil House, asi vazhinji vavo vanonzi vaswera vari mumitsetse.

Vamwe vevanhu ava pamwe nevamwe vari kuongorora hurongwa uhwu vari kupomera vashandi veZEC vari kunyora vanoda kuzovhota mhosva yekusashanda nesimba zvaita kuti vangobatsira vanhu vashomashoma zuva rose.

Studio 7 yabata mutevedzeri wasachigaro veZEC, Commissioner Rodney Kiwa, kuti tinzwe kuti dambudziko iri riri kukonzerwa neyi, uye kuti ZEC icharigadzirisa sei asi vati vanga vakabatikana vakavimbisa kuti vachazotibata ivo kana vasununguka asi pataenda pamhepo vanga vasati vatibata.

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba nemutevedzeri wavo, VaRodney Kiwa.
Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba nemutevedzeri wavo, VaRodney Kiwa.

Mushandi anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano rinoongorora sarudzo, reElection Resource Centre, Muzvare Rudo Motsi, vanoti sangano ravo riri kuronga kusangana neZEC kuti rikurudzire komisheni iyi kuti ione kuti yawedzera vashandi nemichina yekushandisa kuitira kuti vanhu vanoda kunyoresa kuvhota vose vabatsirwe sarudzo dzisati dzasvika.

Muzvare Motsi vanoti vari kunzwawo nezvenyunyuto dziri kubva muvanhu dzekuti vanhu vari kutakurwa nemabhazi ndivo vari kusvikonyoreswa kuvhota pamberi pevanenge vaenda vari voga.

Asi vanoti havasati vave neruzivo rwekuti ari kutakura vanhu ava nemabazi ndiani uye kuti vanenge vachibva kupi vanhu vacho.

ZEC inoti pari zvino pane nzvimbo makumi manomwe nenhatu, kana kuti 73, dziri kunyoreswa vanoda kuvhota kumatunhu makuru nemadiki emunyika, uye vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu vanyoresa kuvhota nyika yose kusvika pari zvino.

Pane kurudzirowo yekuti vashandi veZEC vafambire vanhu munzvimbo dziri kure nekuri kunyoresa kuvhota pari zvino kuitira kuti vanhu vakawanda vakwanise kunyoresa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG