Zviri Kuitika muAmerica
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Amai Jill Biden Vopeta Rwendo Rwavo Rweku Africa

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica nezuro vakapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu kuKenya mushure mekushanyirawo Namibia.
Mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto nemudzimai wavo Amai Rachel Ruto nevamwe vakuru vehurumende ndivo vakaperekedza Amai Biden kubva panhandare yendege yeJomo Kenyatta International Airport.
Vari muKenya, Amai Biden vakataura nezvenzira dzekupedza matambudziko enzara akonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kukurudzira kodzero dzemadzimai nekusimudzira mabasa avo.
Vakaitawo musangano nevari kushanda nehurumende pahomwe yekubatsira vanorarama nechirwere cheHIV yePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFAR.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kushanya kwa Amai Biden kunoratidza kuti murume wavo VaJoe Biden vane shungu dzekuzadzikisa chivimbiso chavakapa vatungamiri venyika dzemuAfrica vakange vari pamusangano weUS Africa Leaders' Summit muWashington muna Zvita kupera kwegore rakapera.
"Kushanya kwa Amai Biden kwakakosha parizvino sezvo dzimwe nzvimbo dzemunyika yeKenya dziri kutarisana nenzara mushure mekunetsa kwemvura zviri kukonzerwa nenyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze. Kuenda kwa Amai Biden kunzvimbo idzi kuchabatsirawo kuti dzimwe shamwari dzeAmerica dzibatane nayo mukubatsira Africa."
See all News Updates of the Day
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mudzimai weMutungamiri weAmerica, VaBoben, Amai Jill Biden, Avo Vari Kushanya muAfrica, Vanosvika muKenya

Mudzimai wemutungamiri weAmerica VaJoe Biden, Amai Jill Biden, vasvika muKenya neChishanu mushure mekushanyira Namibia kwemazuva matatu.
Amai Biden vari kutarisirwa kushanyira masangano nezvirongwa zvine chekuita nemadzimai nevechidiki, kutaura nezvekufambiswa kwemari mumabhanga, zvemamiriro ekunze nezvimwewo.
Vasati vasimuka kubva kuNamibia, Amai Biden vaita musangano nevechidiki vachizeya nezvehutongi hwejekerere.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNamibia, Muzvare Moreblessing Makawa, vanoti vafadzwa zvikuru nekushanya kwaAmai Biden uye vane shuwiro yekuti nyika yeZimbabwe ivewo nehutongi hwejekerere kuitira kuti iwanewo vashanyi vakadayi vanozobatsira mukuunza rutsigiro kuzvirongwa zvinosimudzira madzimai pamwe nevechidiki.
"Shuwiro yangu ndeyekuti zvakadayi zviitikewo muZimbabwe asi zvinotoda kuti hurumende yedu itange yavandudza nyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu nekukoshesa hungongi hwejekerere,"Muzvare Makawa vaudza Studio7.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Amai Jill Biden Vosangana neVana neMadzimai muNamibia Vachikurudzira Kuremekweedzwa Kwedzero Dzavo

Amai Jill Biden, mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden, avo vari kushanya kuNamibia parizvino vasati vaenda kuKenya vaitirwa mabiko nhasi nemutungamiri wenyika iyi VaHage Geingob nemudzimai wavo.
Papera mabiko aya, VaGeingob naamai Biden vasanganawo zvakare nemasangano akazvimirira oga vakazeya nyaya dzekodzero dzemadzimai, dzevechidiki uye nyaya yechikafu kana kuti (food security.) Amai Biden vataurawo zvakare pamusoro pezvirongwa zvinokwanisa kuunza kudyidzana pakati peAmerica ne Namibia nerutsigiro rwuchapihwa nyika iyi neAmerica.
Mangwana amai Biden varikutarisirwa kusangana nevechidiki vachizeya nyaya yehutongi hwejekerere.
Kushanya kwa amai Biden kunotevera vimbiso yakaitwa naVaBiden kumusangano we US Africa Leadership Summit gore rapera kuti hurumende yavo ichange ichisimbaradza hukama hwayo neafrica gore rino.
Nyanzvi munyaya yekodzero dzemadzimai Amai Fortunate Hove Cooper vanoti kushanya kwa Amai Biden kuAfrica kunokudzwa sezvo kuchaunza pundutso pamusoro pezvimwe zvipingaidzo zvinotariswa nemadzimai nyaya nevechidiki vemu Africa.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Amai Jill Biden Mudzimai weMutungamiri weNyika yeAmerica Vasvika muNamibia

Amai Jill Biden mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vasvika muNamibia nhasi mukutanga rwendo rwavo rwekushanyira Africa.
Vatambirwa nemufaro panhandare yendege nevana vange vachitamba. Amai Biden vari kutarisirwawo kuenda kuKenya. Amai Biden vari kutarisirwa kutaura nyaya dzine chekuita nemadzimai, vechidiki uye nyaya yenzara.
Mukuru mubazi reNational Security Council muAmerica VaJudd Devermont vaudza mumashoko kuvatori venhau vati rwendo rwaamai Biden rwakanangana nekusimudzira kudyidzana neAfrica zvichitevera musangano mukuru wakaitwa gore rapera weAfrica neAmerica kana kuti US Africa Leaders' Summit.
Amai Biden ndivo mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica wekutanga kushanyira Namibia kubva zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1990. Kuenda kwaamai Biden kuAfrica kuri kuuyawo panguva iyo China neRussia dziri kutumirawo makurukota adzo kuAfrica.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nekodzero dzemadzimai muzvinafundo Gadziro Gwekwerere vanoti kushanya kwa amai Biden kuAfrica panguva ino kwakakosha sezvo kuchiratidza kuti hurumende yeAmerica rwendo rwuno ine chido chekusimbaradza hukama hwayo neAfrica kwete nepamuromo chete asi nezviito.
"Tiri kutarisirawo kuti kushanya kwemadzimai evatungamiri venyika vakadayi sa amai Biden kuitikewo kuZimbabwe mune remangwana sezvo kuchizombisa nyaya yekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu nyanya madzimai,"Muzvinafundo Gwekwerere vaudza Studio7.
Amai Jill Biden Vatanga Rwendo RweKushanyira Kenya neNamibia Nhasi

Svondo rino, mudzimai wemutungamiri we America, Amai Jill Biden, vachashanyira nyika mbiri dzemu Africa, dzinoti Kenya ne Namibia. Chinangwa cherwendo rwaAmai Biden ndechekukurudzira mabasa evechidi nemadzimayi uye kubatsira mukutsvaga mazano ekupedza dambudziko renzara.
KuNamibia, Amai Biden vachange vachionawo zvingaitwa nevechidiki mukusimbisa hutongo hwejekerere.
Amai Biden mukushanyira Namibia kubva vari kutevera tsoka dzevavaimbova mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaAl Gore muna 1996.
MuKenya, Amai Biden vachashanda kuti pawanikwe nzira dzekurwisa kushaikwa kwechikafu kuri konzerwa nekusanaya kwemvura uye kukwira kwemitengo yechikafu kuri kukonzerwa nehondo iri muUkraine.
Munyika mbiri idzi, Amai Biden vachange vachikurudzira zvikuru kusimudzirwa kwemadzimai.
Rwendo urwu ruchatanga nhasi, Chitatu, kusvika nemusi weSvondo uye ruchava rwendo rwechitanhatu Amai Biden vachishanyira Africa.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Amai Lainah Ndlela, vanoshandira muKenya, vanoti rwendo urwu runokosha uye ndeimwe nzira yehurumende yaVaJoe Biden yekusimbaradza hukama pakati payo nenyika dzemuAfrica.
Facebook Forum