Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoramba Mashoko eKuti Varairidzi Vakawanda Vane Chirwere Chepfungwa


Varairidzi vachiratidzira pamusoro pemihoro nemashandiro avo
Varairidzi vachiratidzira pamusoro pemihoro nemashandiro avo

Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, nezuro vakaudza Studio 7 kuti masangano anomirira varairidzi haafaniri kutaura zvinhu zvisina humbowo uye zvinokonzera mhirizhonga, vachiti bazi rezvedzidzo harizivi nezvevarairidzi vanorwara nepfungwa vanonzi vari pabasa.

Rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, (PTUZ), rakazivisa kuti pane varairidzi vazhinji vari kunetseka mupfungwa pamusoro pebasa nemihoro yavo, vachiti hurumende hapana zvairi kuita kudazirisa dambudziko iri.

Mugwaro rarakabudisa, PTUZ inoti ongororo yayakaita inoratidza kuti varairidzi vanoita zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana (75%) vanedambudziko repfungwa pamusoro pebasa ravo uye nemihoro yavo.

VaNdoro vanoti bazi ravo rine vanamazvikokota ezvepfungwa, kana kuti ‘psychologists’, vanogona kubatsira mumatunhu ose emunyika asi vati bazi rezvedzidzo harina kumbonzwa nezvevarairidzi vane dambudziko iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti humbowo hwevarairidzi vane matambudziko epfungwa huripo vachiti bazi rezvedzidzo harisi kuda kuita misangano kuti varairidzi vane dambudziko iri vawonekwe uye vatsanangure zviri kuvanetsa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG