Accessibility links

Breaking News

Sangano reIOM Rinoti Rave Kugadzirira Kubatsira Zvizvarwa zveZimbabwe Zvodzoserwa Kumusha Kubva kuSouth Africa


Zvizvarwa zveZimbabwe zvichitsvaka magwaro ekugara nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo
Zvizvarwa zveZimbabwe zvichitsvaka magwaro ekugara nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo

Sangano reInternational Organization for Migration rinoti richabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuda kudzokera kumusha kubva kuSouth Africa zvichitevera musangano wakaitwa nemukuru waro VaAntónio Vitorino nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumucheto wemusangano weAfrican Union kuAddis Ababa Ethiopia mavhiki maviri adarika.

Vanhu vanosvika zana rechiuru nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178,000 vakatarisana nekudzoserwa kumusha kubva kuSouth Africa panopera kushanda kwemagwaro avo ekushanda munyika iyi zviri pamutemo anonzi Zimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP muna Chikumi.

Mutauriri we IOM muZimbabwe, Muzvare Fadzai Penny Pangeti, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo riri kushanda nemamwe mapazi eUnited Nations, mukuona kuti vaparura zvirongwa zvingabatsira vanhu ava kana vachinge vadzokera kuZimbabwe.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti South Africa yave nematambudziko akafanana neari kuwanikwa mune dzimwe nyika dzemu Africa, akafanana ne kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, kushaikwa kwemabasa, zvikuru seyi nevechiduki.

Izvi zvave kupa kuti vamwe vaone sekuti vari kupotera munyika iyi nddivo vari kupa kutivashaye mabasa.

VaMnangagwa vachinyora mubepanhau reSunday Mail vakati vari kutumira chikwata chevanhu vachaenda kunonyoresa vari kuda kudzokera kuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG