Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Matanhatu (6 Million) Vanyoresa Kuvhota


Zimbabwe Electoral Commission
Zimbabwe Electoral Commission

Bazi rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission-ZEC-rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu vanyoresa kuvhota nyika yose uye vari kutarisira kufamba munzvimbo dziri kure kuti kuti vape mukana kune vamwe vari kuda kuvavhoti.

Pasi pemutemo vanhu vachavhota gore rino ndevaya vanenge vanyoresa kwapera mazuva maviri mushure mekuziviswa kwezuva rekuvhota nemutungamiri wenyika.

Mutauriri weZEC VaJasper Mangwana vaudza Studio 7 kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu vanyoresa kuvhota kusvika parizvino.

VaMangwana vanoti bazi ravo richafambira vanhu munzvimbo dziri kure nekuri kunyoresa kuvhota parizvino.

Vati parizvino pane nzvimbo makumi manomwe nenhatu kana kuti 73 dziri kunyoreswa kumatunhu makuru nemadiki.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu vanotiwo vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemakumi maviri nezvinomwe vakanyoresa kuvhota kubva musiwa 1 Chikumi 2022 kusvika parizvino zvichienzaniswa nekumashure.

VaNdlovu vanoti huwandu uhwu hwakakonzerwa nekuwaniswa zvitupa kwevanhu pachena munzvimbo dzavanogara.

Vatiwo pavatanga kufambira vachinyoresa vanhu kuvhota, vashoma vakanyoresa sezvo vainge vasina zvitupa.

Chimwe chiri kuita kuti vanhu vanyorese kuvhota zviri nyore kubatsirwawo nezvekufambisa nevezvematongerwo enyika kuenda kuno nyoresa kuvhota.

Mumwe akabatsirwa kuenda kunotora gwaro rekuzvarwa, chitupa nekunyoresa kuvhota muChinhoyi ndiVaMunashe Chivavaya vekuMakonde.

VaChavavaya avo varamba kudoma zita rebato ravo vanoti vanofara kuti kunyange sarudzo dzikapera vachasara vave nechitupa chavanga vasina.

VaNdlovu vanoti hapana chakaipa kuti vanhu vabatsirwe nezvekufambisa kuenda kuno nyoresa kuvhota navezvematongerwo enyika.

Musarudzo dzakaitwa muna 2018 vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvishanu zvine mazana manomwe nezvitanhatu kana kuti 5 695 706 ndivo vainge vanyoresa kuvhota.

ZEC inoti vanhu vanokwanisa kuona kuti vakanyoreswa here kuvhota nekudzvanya nhamba dzinoti *265# panharembozha yeNetOne.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG