Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Kusvika Muna 2030, Madzimai Miriyoni Imwe Chete Anogona Kufa Achisungunuka muZimbabwe nePasi Rose


Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organization rakabatana nemasangano anoti UNICERF, UNFPA, World Bank Group neUNDESA iri kuratidza kuti pasi rose kunyangwe huwandu hwemadzimai ari kufa achisungunuka kana kuti achangosungunuka huri kudzika, izvi hazvikwanise kuti donzvo reUnited Nations kana kuti Sustainable Development Goals, SDG rekudzikisa huwandu hwemadzimai anofa nezvirwere kana kuti matambudziko anorapika aine pamuviri rizadzikiswe.

Gwaro rakaburitswa nemasangano aya rinonzi Trends in Maternal Mortality 2000 to 2020 rinoburitsa pachena kuti kusvika muna 2030, kutadza kugadzirisa dambudziko pasi rose kuchapa kuti madzimai anosvika miriyoni imwe chete arasikirwe nehupenyu kusanganisirawo nemuZimbabwe.

Gwaro idzva iri rinoti muZimbabwe, muna 2000, huwandu hwemadzimai aifa achisungunuka kana kuti achangosungunuka wainge huri mazana matatu nemakumi masere nevasere 388, muna 2005 hwainge hwakwira kusvika pamazana mashanu nemakumi matatu nematatu, 533, muna 2010 wainge hwasvika pamzana matanhatu negumi nemasere kana kuti 618, muna 2015 hwakadzika kusvika pamazana mana nevasere 408 kwochizoti muna 2020 wakdzikawo kusvika pamazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 357.

Mukuru wesangano reWomens Action Group Amai Edna Masiiwa vanoti zvinhu zvakadai hazvitofanire kuitika nokuti kana mudzimai abata pamuviri hazvireve kuti atove murwere .

Ongororo iyi inotarisa madzimai anofa pamadzimai chiuru chimwe chete anenge achisungunuka mwana kana kuti anofa kwapera mazuva makumi mana nemaviri asungunuka.

Muna 2020, zvinonzi pasi rose, madzimai zviuru mazana maviri nemakumi masere nemanomwe kana kuti 287 000 vakafa vachisungunuka, muna 2000 madzimai ainge afa ainge ari zviuru mazana mana nemakumi mana nematanhatu kana kuti 446, 000. WHO inoti madzimai akawanda ari kufa ari munyika dzemuAfrica munove mune hurombo hwakanyanya. Zvikamu makumi manomwe kubva muzana kana kuti 70% zvemadzimai ari kufa achisungunuka pasi rose ari muAfrica.

Nyazvi yezvehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti nyaya yekurudziro yekuti vanhu vagare kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 kubva mugore ra2020 kwakawedzerawo dambudziko rekufa kwemadzimai ainge akazvitakura.

Vaenderi mberi vachiti madzimai akawanda akakundikana kunyoresa pamuviri pavo.

Doctor Chiripanyanga vakurudzirawo madzimai akambosununguka neoparesheni kuti vanosunungukira kuzvipatara kune zvose zvinoshandiswa pakuita basa iri.

Imwe nyanzvi yehutano Dr Tonotenda Michael Simemeza vatsinhirawo vachidomawo zvimwe zvinokonzera kufa kwemadzimai achisungunuka zvinosanganisira denda rechirwere chemoyo kana kuti BP nezvimwe.

Hatina kukwabisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Nyaya yekushomeka kwavananyamukuta nemakirinika ndechimwe chikonzero chiri kunzi chiri kupa kuti madzimai arasikirwe nehupenyu achisungunuka. Vananyamukuta navanachiremba vakawanda vari kuenda kunze kunotsvaga mafuro manyoro vachiti mari dzavari kutambiriswa nehurumende dzishoma.

Sangano reUNFPA, pamwechete nesangano reWorld Health Organisation vane chinangwa chokuti mudzimai wese zvake pasi rino akwanise kusununguka mwana wake zvine hutano nokuti hutano hwakanaka ikodzero yemunhudzi wese zvinova zvinhu zvakanyorwa mumabumbiro emitemo yenyika dzakawanda, kusanganisa muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG