Accessibility links

Breaking News

Kudakwashe Chiwandire Opinda Munhadare Mwedzi Unouya


Kudakwashe Chiwandire
Kudakwashe Chiwandire

Vanotungamira tsiva pasi rese veWorld Boxing Council vatara musi wa 18 Kurume sezuva richapinda Kudakwashe Chiwandire munhandare kurwira bhande regoridhe reWorld Boxing Council.

Izvi zvaziviswa namaneja waChiwandire VaClyde Musonda avo vanoti zvimhingamipinyi zvanga zviripo zvagadziriswa uyezve vanyorerana chibvumirano chekuti mutambo naYemileth Mercado uyu uitwe musi wa 18 Kurume.

VaMusonda vanoti semutambi ane bhande regoridhe iri, Mercado achange ari pamusha munhandare ye Studio of Aztec 7 muMexico City umo vatambi ava varikusangana.

Uyu ndiwo mutambo mukuru waChiwandire kubva zvaasiya zvekuruka veruzhinji musoro achitora mutambo wetsiva.

Chiwandire pachake anoti akagadzirira zvakakwana mutambo naMercado zvekuti anonokerwa nemutambo uyu.

Mercado akadzivirira bhande rake regoridhe nekurova Marian Juarez, Chiwandire ndokukunda Zulina Munoz kuti awane mukana wekurwira bhande regoridhe iri.

Bhande regoridhe ndiro repamusoro-soro mutsiva uyezve reWBC rinoremekedzwa kudarika mabhande emasangano ese etsiva pasi rese

VaMusonda vanoti vachitarisa matambiro aChiwandire varikuona achisvika kure zvikuru mumutambo uyu.

Vanoti vanofunga kuti Chiwandire anokwanisa kutora nekubatanidza mabhande emasangano ese etsiva pasi rino kana kuti inonzi muchirungu unification.

Parizvino, Chiwandire ane bhande resirivha reWBC akaenzana naCharles Manyuchi uyo akambotora bhande rimwe chetero akazoritorerwa naQuaratillo Abuduqoxorov wekuMexico.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG