Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vonyoresa Kuvhota muSarudzo Dziri kutarisirwa Kuitwa Gore Rino


People Registering to Vote
People Registering to Vote

Vanhu vakawanda mumatunhu akasiyanasiyana munyika vanoda kuzovhota, zvikuru vechidiki, vanonzi vave kubuda nehuhwandu hwavo vachienda kunonyoresa kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rino.

Izvi zvinotevera kushambadzwa kwakaitwa svondo rino mubepanhau rehurumende kana kuti Government Gazette, nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gwaro rekupedzisira rekutarwa kwemiganhu yenzvimbo dzichavhoterwa musarudzo, kana kuti Final Delimitation Report.

Gwaro iri rakaumbwa nekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission.

Asi vamwe vevari kuda kunyoresa kuvhota ava vanoti havasi kufara`nekushomeka kwenzvimbo dziri kunyoreserwa kuvhota kumaruwa nekumadhorobha.

Gwaro rekutarwa kwemiganhu iri ndiro rinoratidza nzvimbo dzichavhoterwa musarudzo dzemutungamiri wenyika, makanzuru pamwe neparamende.

Kushambadzwa kwegwaro rekupedzisira reFinal Delimitation Report uku kunoreva kuti sarudzo dzaswedera uye miganhu iyi ndiyo ichashandiswa pasarudzo idzi kunyange hazvo paine vari kuzvipikisa mumatare edzimhosva.

VaMnangangwa vachigamuchidzwa gwaro iri nasachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba
VaMnangangwa vachigamuchidzwa gwaro iri nasachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

NeChishanu muHarare imwe nzvimbo iri kunyoreswa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota yakaswera yakazara nevanhu, asi vazhinji vachinyunyuta kuti kunyoresa kwacho kuri kunonoka.

Mumwe wevechidiki vemuHarare, VaPearson Mufutiza, avo vanoti`vari kuda kuvhota kekutanga sezvo vasvitsa makore gumi nemasere ekuberekwa ayo anobvumirwa pamutemo kuti munhu anyorese semuvhoti, vanoti vashandi veZEC vari kutora nguva yakareba kunyoresa vanhu vanenge vari mumitsara yekunyoresa kuvhota zviri kupa kuti vanhu vazhinji vadzokere kudzimba vasina kunyoresa.

Amai Kamurai Maisiri, avo vanogara mumusha weMufakose muHarare, vakurudzira kuti veZEC vavhure mahofisi mumisha inogara veruzhinji mumadhorobha kuitira kuti vanhu vakawanda vakwanise kunyoresa kuvhota sezvo muHarare muine nzvimbo nhatu chete dziri kunyoreswa vanhu.

Vanoti nzvimbo idzi dziri kunzi dziri kuzara zvakanyanya kubva zvagazetwa gwaro iri nemutungamiri wenyika. Madhorobha nemaguta mazhinji munyika yose anonzi ane nzvimbo mbiri kana nhatu chete dziri kunyoreserwa vanhu sevavhoti.

Vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato reZanu PF, kana kuti political commissar, VaMike Bimha, vanotiwo vanhu vari kumaruwa munyika yose vari kufamba nzendo ndefu kunonyoresa kuvhota uye vari kukurudzira veZEC kuti vavhure nzvimbo dzakawanda kumaruwa dzekuti vanhu ava vakwanise kunyoresa kuvhota.

VaBimha vari kukurudzirawo zvakare kuti bazi rinoona nezvemukati menyika riite hurongwa hwekufamba richitoresa vanhu zvitupa, veZEC vachitevera mumashure vachivanyoresa vavhoti kuitira kuti vanhu vakawanda vakwanise kunyoresa kuvhota.

Muzvare Fadzayi Mahere veCitizens’ Coalition for Change. (Columbus Mavhunga/VOA)
Muzvare Fadzayi Mahere veCitizens’ Coalition for Change. (Columbus Mavhunga/VOA)

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare VaFadzayi Mahere, vanoti vanhu vari kushandisa mari dzakawanda vachikwira mabhazi kuenda kunonyoresa kuvhota, asi vanosvikonzi nevashandi veZEC muchina haisi kushanda kana kuti hakuna magetsi.

Asi mutauriri weZEC, VaJasper Mangwana, vati komisheni yavo ichagara pasi yoona matanho aingatore.

Mapato ose ezvematongerwo ari kuda kukwikwidza musarudzo ari kukurudzira vatsigiri vawo kuti vaende kunonyoresa kuvhota chirongwa chekunyoresa kuvhota chisati chavharwa.

Pasi pemutemo wesarudzo, we Electoral Act, kunyoresa kuvhota kunovharwa mazuva maviri mushure mekunge mutungamiri wenyika atara zuva richaitwa sarudzo uye zuva resarudzo rinoziviswa pachine mwedzi inokwana mitatu kuti sarudzo idzi dziitwe.

VaMnangagwa vakati vachazivisa zuva richaitwa sarudzo idzi munguva pfupi iri kutevera, uye vakatotaura kuti sarudzo idzi dzinogona kuitwa muna Nyamavhuvhu wegore rino.

Vanoona nezvegwara remusangano muZanu PF, VaMike Bimha.
Vanoona nezvegwara remusangano muZanu PF, VaMike Bimha.

Bato reZanu PF rinoti riri kutarisira kuvhoterwa nevanhu mamiriyoni mashanu musarudzo idzi, ukuwo bato reCCC richiti riri kutarisira kuvhoterwa nevanhu mamiriyoni matanhatu.

Bato reMDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora rinotiwo riri kutarisira kuvhoterwa nezvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana, kana kuti 66 percent, pavana vachavhota musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG