Accessibility links

Breaking News

Citizens Coalition for Change Inoti Yakanyimwa Mvumo neMapurisa Kuita Musangano paNzvimbo yemaBhizimusi yeMurehwa Centre


Tsamba inonzi neCCC yakabva kumapurisa edunhu reMurehwa.
Tsamba inonzi neCCC yakabva kumapurisa edunhu reMurehwa.

Bato rinopikisa, reCitizens’ Coalition for Change, rinoti ranyimwa mvumo zvakare nemapurisa yekuti riite musangano waro wekupemberera kusvitsa gore kubva paraparurwa wanga wakarongwa kuitirwa panzvimbo yemabhizimusi yeMurehwa Centre neMugovera.

Tsamba yaonekwa neStudio 7 yakanyorwa nemukuru wemapurisa mudunhu reMurehwa, anonzi Chief Superintendent Masvisvi, inoti bato iri rakanyimwa mvumo nekuti nzvimbo yaraida kushandisa yakanga yakabhukwa kare nerimwe bato ravasina kudoma.

Vakati nekuda kwaizvozvo, kubvumidza CCC kuita musangano panzvimbo iyi kwaigona kuzokonzera mhirizhonga.

Mukuru wemapurisa uyu akatiwo chimwe chikonzero chaive chekuti bato iri rakanga risina kukumbira mvumo yekushandisa nzvimbo yaraida kuitira musangano iyi kukanzuru yeMurehwa.

Hatina kukwanisa kubata Chief Superintendent Masvisvi kanawo mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Asi Assistant Commissioner Nyathi vakaudza Studio 7 kuti zviri kune mukuru wemapurisa mudunhu rega rega kuti obvumidza here kana kurambidza kuitwa kwemisangano yezvematongerwo enyika mudunhu make.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG