Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weDemocratic Union of Zimbabwe, VaChapman, Vanoita Musangano muHarare Vachiti Bato Ravo Ndiro Chete Richanunura Vana veZimbabwe


Mutungamiri weDemocratic Union of Zimbabwe, VaRobert Chapman.
Mutungamiri weDemocratic Union of Zimbabwe, VaRobert Chapman.

Mutungamiri webato idzva rinopikisa, reDemocratic Union of Zimbabwe, (DUZ) VaRobert Chapman, vati Zimbabwe inoda bato riri pachokwadi uye panofanirwa kuve nemapato anokwanisa kuita kuti ive nyika yakanaka, kwete vanhuwo zvavo vanotungamidza zvido zvavo.

Vachitaura kunhengo dzebato ravo pamusangano waitirwa kunhandare yeShowgrounds muHarare, VaChapman vati hurumende inofanirwa kushandira vanhu, vachiti vakaenda mumatunhu akawanda emunyika vakaona kutambura kuri kuita veruzhinji.

Vatsigiri veDUZ muHarare.
Vatsigiri veDUZ muHarare.

Vati bato ravo chete ndiro rinogona kununura mhuri yeZimbabwe kubva mumatambudziko avari nhasi.

VaChapman vaudza vatsigiri vavo kuti vasatya zvavo kuti vachavasiya, vachiti havana kwavari kuzoenda kana dai sarudzo dzapera, vachiti vanogara munyika, havana kwavanoenda.

"Toda kuti DUZ inyatsofamba. Ini kana ndapedza basa rangu inini, ndombobudawo, vamwe vopinda, handiti?" Vadaro VaChapman vachiombererwa maoko nevatsigiri vavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG