Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari Vobatira Ura Mumaoko Apo Dutumupengo Tropical Storm Freddy Rotarisirwa Kusvika muNyika Mambakwedza eMugovera


Tropical Storm Freddy inotarisirwa kupinda munyika Mugovera mambakwedza.
Tropical Storm Freddy inotarisirwa kupinda munyika Mugovera mambakwedza.

Vamwe vagari vemumaruwa mumatunhu akasiyasiyana emunyika vanoti vabatira ura mumaoko vachityira kurasikirwa nehupenyu pamwe nemidizyo yavo apo dutumupengo reTropical Storm Freddy riri kutairisirwa kusvika munyika Mugovera mambakwedza.

Varimi ava vanoti vanotyira kuti hurumende haina kunyatsogadzirira kuvabetsera sezvo vasiri kuona zviri kuitika mumatunhu mavo zvingavatsigisa.

Vachitaura neStudio 7, vagari vekumaruwa ava vanoti kunze kwekufambisa mashoko eyambiro kuvagari hapana chimwe chinoonekwa chiri kuitwa nehuruemende kudzivirira njodzi yedutumupengo iri risati rasvika.

Vanogara munzvimbo dzakadzikira vanoti dai hurumende yakatanga chirongwa chekufana kubvisa vanhu munzvimbo idzi pane kungovaudza kuti vazobva kana mvura yave kunaya.

Tropical Storm Freddy yasiya mvura yakawanda muMozambique.
Tropical Storm Freddy yasiya mvura yakawanda muMozambique.

Mumwe mugari wekwaTamandai KuChipinge, mudunhu reManicaland, VaEdward Chagonda, vanoti vari kutyira hupenyu hwavo sezvo vachigara mudzimba dzemapango nemadhaka dzisina kusimba dzinogona kupazwa nedutu mupengo iri.

Vamwewo vanoti hurumende yaifanira kunge yakatanga kare chirongwa chekubvisa vagari munzvimbo dzinotarisirwa kuti dutu mupengo iri richarova zvakasimba, vakadai sevanhu vakwegura nevakaremara.

Izvi zvatsinhirwa naVaRonnie Chikwenhere vemumusha wekwaZano mudunhu reMasvingo, avo vati hurumende haifaniri kumirira kuti dutu mupengo iri ritange rasvika yozobetsera vanhu, vachiti rubatsiro rwunogona kuzosvika vanhu vatopera kurasikirwa nehupenyu kana midziyo.

Hurumende yakaburitsa mashoko ekuti yakagadzirira zvakakwana kubatsira vanhu vose vachasangana nematambudziko kana dutu mupengo Tropical Storm Freddy rauya riine hukasha hunoparadza, uye iri kufambisa mashoko ari kukurudzira veruzhinji kuti vaende munzvimbo dzakakwirira uye vasaedza kuyambuke nzizi dzakazara.

Nemusi weChina hurumende yakazivisa vanhu munyika kuti vana vechikoro mumatunhu achasvikwa nedutumepengo rine simba vasaende kuchikoro nhasi.

Matunhu aya anoti Manicaland, Masvingo, Matebeleland South, Harare pamwe neMashonaland East neMashonaland Central.

Tropical Storm Freddy payasvika muMauritius.
Tropical Storm Freddy payasvika muMauritius.

Asi munyori werimwe sangano rinomirira varairidzi munyika, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), VaRaymond Majongwe, vati kuvhara zvikoro chete hurumende isina kubvisa vana muzvikoro zvavanodzidza vachigarapo zvinoratidza kuti haina kurongeka, vachiti izvi zvinogona kuti vana vepazvikoro zvakadai varasikirwe nehupenyu sezvakamboitika mugore reCyclone Idai.

Mutauriri webazi rezvekutongwa kwematunhu rinotungamirira bandiko reCivil Protection Unit munyika, VaGabriel Masvora, vakurudzira vagari kuti vasabatire ura mumaoko vachiti hurumende yakagadzirira zvakakwana kuvabatsira.

Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau kuti hurumende yakatoisa padivi nzvimbo dzichange dzichizoiswa vanhu vanenge vasangana nedambudziko rinenge rakonzerwa nedutumupengo iri mumatunhu ose.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze munyika mumashoko aro nhasi rakurudzirawo vagari mumatunhu mashanu kuti vagare vakagadzirira dutumupengo iri vachiti ranonotswa asi riri kuwedzera kusimba uye rinotarisirwa kusvika munzvimbo yeChipinge kuManicaland munguva dzema 3 mambakwedza.

Bazi iri rati dutumupengo iri riri kuwedzera simba sezvo mhepo yaro yange ichifamba nesipidhi yemakiromita zana negumi paawa imwe chete ichitarisirwa kuzosvika munyika yave kufamba makiromita zana nemakumi maviri paawa.

Vari mumatunhu akaderera vari kutyira kuti vachakanganiswa nemvura iyi.
Vari mumatunhu akaderera vari kutyira kuti vachakanganiswa nemvura iyi.

Sangano renhau reAssociated Press rinoti Tropical Storm Freddy yasiya mvura yakawandisa kwazvo yanaya munyika yeMozambique neChishanu.

Dutumupengo iri rinonzi rasvika mudhorobha re Vilanculos riri kumahombekombe kwenyika iyi richiumhanya makiromita zana negumi nematatu paawa yoga yoga, uye riri kutarisirwa kuwedzera mwando.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG