Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rosendeka Sarudzo dzemaPrimary Richiti Richapa Mukana weKusarudza Kune Veruzhinji, Asi Vamwe Vanoti Izvi Hazvina Gutsaruzhinji


Vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere
Vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere

Bato reCitizens’ Coalition for Change rakazivisa neChitatu nezvehurongwa hwarichashandisa mukusarudza vacharimirira musarudzo dziri kuitwa gore rino, richiti harisi kuzoita sarudzo dzekutsvaga vachakwikwidza, kana kuti primary elections, sezvajairwa kuitwa mumapato ezvematongerwo enyika.

Izvi zvakaziviswa nevakafanobata chigaro chemutauriri webato, Muzvare Fadzayi Mahere neChitatu apo vakati CCC haisi kuzoita sarudzo dzemaPrimary uye veruzhinji vachapihwa mukana wekusarudza vatungamiriri vavo munharaunda dzavo.

Sachigaro vebato iri mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti sebato idzva vakaona zvakakosha kuti vaitewo zvitsva zvinoenderana nemwana mutsva.

Vanoti hurongwa uhwu huchapa mukana kuvagari vemunharaunda wekusarudza vavanoda kuti vavamirire, kwete kuti vane mari vapinde mumatunhu avanoda vachishandisa mari kutenga mavhoti.

VaDzvokora vanoti hurongwa uhwu hwakabva munhengo dzavo uye ndidzo dzinoziva vanhu vadzinoda kuti dzivamirire, vanove vanhu vadzagara navo uye vadzinoziva kuti vane chido nedunhu ravo, kwete zvavanoona kuZanu PF zvekuti munhu anobva kune rimwe dunhu achinomirira vanhu vekune rimwe dunhu raasingagare.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF kudunhu reBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti zvave kuitwa nebato reCCC izvi ndiwo mucherechedzo wekuti bato iri harichatevera nzira yegutsaruzhinji, uye sezvataurwa naVaDzvokora kuti ibato idzva, harizivi chinonzi gutsaruzhinji.

Doctor Mavaza vanoti nzira iri kuda kushandiswa nebato rinopikisa iri kutsvaga vachakwikwidza musarudzo inopa mukana kune vari muhutungamiri mubato iri kuisa vanhu vavanoda kuti vakwikwidze pamberi pevanodiwa nevagari.

Panyaya yekuti Zanu PF inodzimikira vanhu vasingagare mumatunhu avanozomirira, Doctor Mavaza vanoti kusaziva chete kunoitwa nevanopikisa nekuti Zimbabwe inyika yakasununguka zvekuti chizvarwa chekune rimwe dunhu chinogona kunogara kune rimwe dhorobha chichitokwikwidza ikoko.

Hurukuro naDoctor Simba Mavaza pamwe naVaTawanda Dzvokora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG