Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yomanikidza Vagari Kubva paMisha Yavo kuGoromonzi


Vamwe gari vekuGoromonzi mudunhu reMashonaland East vanoti havasi kufara nehurongwa hwekuda kuvabvisa mumisha yavo kuti kanzuru yavo itengese masitendi ekuvakira dzimba.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nebazi rezvemitemo nevagari venharaunda iyi parakaparura kwarakaita hurongwa hwekuenda kumaruwa richidzidzisa vanhu nezvekodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura pamusangano uyu nezuro, mumwe mugari wemubhuku rekwaYafele muWard 16 kuGoromonzi nhasi, Muzvare Catherine Mutizwa, vakati havasi kufara nehurongwa uhwu sezvo kanzuru yeGoromonzi yave kuvabhadharisa mafaindi ekugara kwavanga vachiita muruwa urwu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari vemuGoromonzi, reSimukai Rural Residents Trust, VaMasimba Manyanya, vati kanzuru iri kudzinga vanhu vairi kuti havasi vemunharaunda yavo asi vagara munzvimbo iyi kwemakore akawanda.

Amai Mary Nyadome vakati mutemo weCommunal Lands Act unofanira kuvandudzwa sezvo vachiti hausi kuchengetedza kodzero dzevanhu vanogara kumaruwa avo vasina magwaro anoratidza kuti ivhu nderavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Alliance for Human Settlements in Zimbabwe, VaFrancis Mukora, vakati nhaurirano pakati pevagari nekanzuru yeGoromonzi ndidzo chete dzinokwanisa kupedza dambudziko rakatarisana nevagari ava avo vari kuchemachema kuti vave kusiiswa misha yavakaviga hama dzavo dzakaenda kwamupfiga nebwe.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru wekanzuru yeGoromonzi, First Name Madovi kuti tinzwe divi rekanzuru yavo panyaya iyi. Asi VaRay Zvoushe, avo vanoshanda mubandiko reLaw Development Commission mubazi rezvemitemo vakaudza vagari ava kuti pasi pemutemo hurumende ine mvumo yekuita chero zvainenge yada nevhu asi zvichitwa pamutemo.

VaZvoushe vakati ikodzero yemunhu wese munyika kuti akwidze nyaya kumatare kana asiri kufara nematanho anenge atorwa nehurumende kana makanzuru. Vakakurudzira veruzhinji kuti vasarudze nhengo dzeparamende dzinomirira zvido zvavo vachiti mapandiko ose ehurumende anoshanda achitevedzera mitemo inenge yadzikwa nedare reparamende.

Mhuri dzakatarisana nekudzingwa mumisha yadzo muGoromonzi dzinonz dzinodarika mazana matatu asi vamwe vevanhu ava vachasara vachigara munzvimbo dzavagere kana vakakwanisa kubhadhara mari dzinonzi dziri kudiwa nekanzuru yeGoromonzi Rural District Council.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG