Vaimbova mutungamiriri wenyika yeMozambique, VaJoachim Chissano vanoti Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena, kuremekedza kodzero dzevanhu nekuripa varungu vakatorerwa minda yavo kuti nhaurirano dzayo nemasangano nenyika dzaiine zvikwereti nayo dzifambire mberi uye kuti hupfumi hugadzirisike.
VaChissano vataura mashoko aya musangano pakati peZimbabwe nemasangano nenyika dzaine zvikwereti nayo weStructured Dialogue Platform on Arreas Clearance and Debt Resolution waitirwa muHarare nhasi.
VaChissano kuti hurumende inofanira kuzvipira nekuvimbika panhaurirano idzi kuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo.
Vatiwo zvakakosha kuti nyika iite sarudzo dzakachena zvinopa kuti hupfumi husimukire.
Vaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti Zimbabwe ibhadhare zvikwereti zvayo pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika vachiti yakarasikirwa kwemakore makumi maviri apfuura nekuda kwezvirango zvayakatemerwa nedzimwe nyika dzekumavirira.
Izvi zvatsinhirwa nemutungamiriri weAfrican Development Bank, Dr Akinwumi Adesina, avo vakadomwa pamwe naVaChissano nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti vatungamirire hurongwa hweZimbabwe hwekuona kuti ingabhadhare sei zvikwereti
Vatiwo hurumende inofanira kuripa varimi vechichena vakotorerwa minda sezvayakavimbisa muchirongwa cheGlobal Compensation Deed pamwe nekuripa vaye vakatorerwa mapurazi ainge akachengetedzwa pasi pezvibvurino zveZimbabwe nedzimwe nyika.
VaChissano naVaAdesina vati chimwe chikuru chakabuda pamisangano yakavakaita nenyika nemasangano akakweretwa neZimbabwe inyaya yekuti hurumende yeZimbabwe haivimbike uye ine tsika yekusatevedza zvibvumirano zvainenge yaita.
Asi vati zviri pachena kuti Zimbabwe inoda rubatsiro kubva kunyika idzi.
Asi mutungamiriri wenyika, VaMnangagwa, vati Zimbabwe yakazvipira kubhadhara zvikwereti vachivimbisawo sarudzo dzisina mutauro.
Vaenderera mberi vachiti Zimbabwe iri kugadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekodzera dzevanhu.
Mapato anopikisa anogaropomera VaMnangagwa nehurumende yavo mhosva yekukonzera mhirizhonga nekubirira sarudzo.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi VaSimon Hove vaudza Studio 7 kuti zvirinyore kuti ngameraa ipinde nepaburi retsono pane kuti VaManangagwa nehurumende yavo vazadzikise zviri kukurudzirwa izvi.
Mukuru wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development Amai Janet Zhou vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti hurukuro dzakadai dziitwe pajekerere.
Zimbabwe ine chikwereti chemari inosvika mabhirioni makumi maviri US$ kusanganinisa mari inowedzerwa pazvikwereti kana kuti arrears inosvika mabhiriyoni matanhatu kana kuti kana kuti US$6 billion.
Zimbabwe ine zvikwereti kumasangano akaita seIMF, World Bank, European Investment Bank nenyika gumi nenomwe dziri mugungano reParis Club. Vose ava vapinda mumusangano wanhasi.
Facebook Forum