Accessibility links

Breaking News

VeCCC, MDC, neZanu-PF Votanga Gadziriro Yekusarudza Vachavamiririra muSarudzo


Muzvare Fadzayi Mahere
Muzvare Fadzayi Mahere

Mapato makuru ezvematongerwo enyika anoti reCitizens Coalition for Change (CCC), Movement for Democratic Change (MDC) pamwe neZanu PF ave mushishi rekugadzirira sarudzo dzegore rino idzo dzichaitwa munaNyamavhuvhu zvichitevera kuburitswa kwegwaro remiganhu ichashandiswa musarudzo idzi kana kuti Final Delimitation Report nemusi weMuvhur

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) Muzvare Fadzai Mahere, vaudza vatori venhau muHarare nhasi kuti bato ravo richapinda musarudzo idzi kunyange hazvo risiri kufara nekuganhurwa kwematunhu kuitira sarudzo kana kuti delimitation.

Vakurudzira veruzhinji kunyoresa kuvhota vachiti sarudzo dzegore rino dzinovapa mukana wekuzvisungunura kubva kunhamo yavari kuona zuva nezuva.

Vaenderera mberi vachiti bato ravo iro rakaumbwa gore rapfuura richaparurwa zviri pamutemo munguva pfupi iri kutevera uyewo richaparura magwaro ezvirongwa zvavachaita kana vapinda muhurumende kana kuti Policy Documents.

Muzvare Mahere vati CCC haisi kuzoita sarudzo dzemaPrimary uye veruzhinji vachapihwa mukana wekusarudza vatungamiriri vavo munharaunda dzavo.

Vati kunyange hazvo bato ravo riri kushungurudzwa nekurambidzwa kuita misangano vane zvirongwa zvakawanda zvavari kuita zvakaita seMugwazo izvo vati vari kuita munzvimbo dzese munyika.

Mutauriri weMDC, VaWitness Dube vaudza Studio 7 kuti havasi kufara neDelimitation Report asi vakati vari kupinda musarudzo uye vanotarisira kunge vapedza kusarudzo vanhu vachamirira bato muna Kurume.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafazdwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakatogadzirira sarudzo ndokusaka rakaita kongiresi gore rapfuura rakadoma VaEmmerson Mnangagwa saivo vachamirira bato ravo musarudzo dzemutungamiriri wenyika.

VaMugwadi vati Zanu PF ichaita maPrimary Elections ekusarudza vachamirira bato iri muparamende nemakaunzuru panguva isati yaziviswa.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Democracy Institute kana kuti ZDC|I rinoti rakaongorora kuganunhurwa keemiganhu ichashandiswa pakuvhota neZEC rikaona kuti gwaro iri rinopa mukana wekukunda wakawanda kuZanu PF.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda nZDI VaBekezela Gumbo vaudza Studio 7 kuti CCC inokwanisa kukunda chete kana ikashandisa nzira dzakaita sekusiya nemaRally awo iri kurambidzwa kuita zvikuru sei kumaruwa.

Asi VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti vese vari kuchema chema pamusoro pakuganhurwa kwematunhu kuitira kuvhota vanotya sarudzo.

CCC. MDC nemamwe mapato anopikisa havasi kufarawo kuti Zimbabwe Electoral Commission haina kuvapa gwaro revavhoti rakashandiswa kutara miganhu yematunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG