Accessibility links

Breaking News

MaBishopu eRoma Oshora Kumbunyikidzwa kweVanopikisa neMhirizhonga Pamberi peSarudzo


Vachicherechedza kutanga kwenguva yeLent iyo yatanga nhasi, veZimbabwe Catholic Bishops Conference kana kuti ZCBC vati vari kushushikana zvikuru nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika, kushandisa masimba akapfurikidza kune vane muono wakasiyana, kushaikwa kwemabasa nekushandiswa kwezvinodhaka munyika.

Vachitaura nezvegwaro ravabuditsa iri, munyori muZCBC VaTryvis Moyo vati apo vanhu vari kugadzirira sarudzo vanoda kuti kuve nerunyararo.

Mugwaro ravo, veZCBC vatiwo vanonetsakana zvikuru kuti nguva yesarudzo yasvika pane vamwe munyika vari mujeri nekuda kwekuti vane muono wakasiyana nehurumende.

Mumwe wevari mujeri parizvino mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vebato reCitizens Coalition for Change, vakasungwa muna Chikumi gore rapera vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga mushure mekuurawakwenhengo yeCCC Muzvare Moreblessing Ali.

VaSikhala vari kunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba. Pane vamwe vanhu vapfumbamwe vebato reMthwakazi Republic Party vari mujeriwo.

Vawedzerawo vachiti nyika inofanirwa kusarudza vatungamiriri vasina humbimbindoga.

Mutungamiriri weZimbabwe Council of Churches variwo Bishop weCentral Zimbabwe muchechi yeAnglican, Reverend Ignatius Makumbe vati panguva ino yekutsanya nekunamata vari kukurudzira vatendi kuti vanamatire sarudzo dzejekerere

VaMakumbe vawedzerawokuti vatendi vanofanirwa kunamatira mutungamiriri anobudisa Zimbabwe mumatambudziko ayiri.

Vatiwo makereke ari kupinda munguva yekutsanya nekunamata iyi vachiyeukawo dambudziko rawira kunyanya vechidiki rekushandiswa kwezvinodhaka.

Mumwe mutenderi VaSimbarashe Maringosi vatiwo zvakakosha kuti makereke adzidzise veruzhinji kukosha kwerunyararo.

Mukuru mubazi reZanu-PF vanoona nezvekuburitswa kwemashoko VaTafadzwa Mugwadi vati bato reZanu PF rinowirirana nevemakereke kuti sarudzo dziitwe murunyararo

Izvi zvatsigirwawo nevakasanobata chigaro chemurongi wemabasa muCCC, VaAmos Chibaya.

Kutanga chirongwa cheLent ichi chinova chirongwa chekutsanya nekunamata, makristu nhasi acherechedzawo chitatu chemadota. Lent inoitwa kwemazuva makumi mana ayo anozopera nekucherechedza kumuka kwaJesu kubva kuvafi panguva yeEaster.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG