Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kutara Zuva reSarudzo Mushure Mekutambirwa kweGwaro reKutarwa kweMiganhu


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinoti kuburitswa kwegwaro remiganhu ichashandiswa pasarudzo kana kuti, Final Delimitation Report, muGovernment Gazette nezuro, kunoreva kuti mwaka wesarudzo watanga uye miganhu yenzvimbo dzekuvhotera yashanduka pane yakashandiswa musarudzo dzapfuura.

Vaimbova komishina weZimbabwe Electoral Commission (ZEC), Doctor Qubani Moyo vati kuburitswa kwegwaro iri muGovernment Gazette kunoreva kuti sarudzo dzichaitwa muna Nyamamvhuvhu padarika mwedzi mitanhatu sezvinotarwa nebumbiro nemitemo wesarudzo.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari mukuru webato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, avo vaudza Studio 7 kuti mutungamiriri wenyika anosungirwa kuzivisa zuva resarudzo kwasara mwedzi mitatu kuti dziitwe.

Doctor Moyo vati nekuda kwekuti miganhu ichashandiswa pasarudzo yashanduka, zvakakosha zvikuru kuti vanhu vaongorore miganhu iyi kuti vazive pekuvhotera musi wesarudzo.

Vaviri ava vanobvumirana kuti mutemo unoti vanenge vasiri kugutsikana negwaro iri vanogona kuenda kumatare edzimhossva vachiti ndiwo chete anokwanisa kusandura gwaro iri. Imwe nhengo yeZanu-PF VaTonderai Chidawa vakatoenda kumatare vachipikisa manyorerwo akaitwa gwaro iri rakaramba kutambirwa nemakomishina manomwe eZEC. Nyaya iyi ichanzwikwa nedare reConstitutional Court nemusi wa29 Kurume.

Muzvinafundo Madhuku vati ivo seNCA vave kutoshanda negwaro iri asi vakati chisiri kuvafadza inyaya dzakaita sekuti mapato haasi kupihwa mikana yakafana yekutsvaga rutsigiro munyika.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato guru rinopikisa reCCC, VaIan Makone, vaudza Studio 7 kuti vachiri kuongorora Final Delimitation Report uye vachapa pfungwa dzavo zvizere kana vapedza kuita izvi.

Kuganhurwa kwemiganhu uku kunoitika kwapera makore gumi panenge paverengwa vanhu kana kuti census.

Asi vati vachapinda musarudzo kunyange hazvo pane zvimwe zvavasiri kufara nazvo zviri mugwaro iri.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti ZEC haitare miganhu kufadza vemapato ezvematongerwo enyika asi kuti inoita izvi ichitevedza bumbiro remutemo wenyika.

Sachigaro veZEC, Justice Priscillar Chigumba, vaudza Studio 7 kuti vachaburitswa hwaro kana kuti Road Map huchatevedzwa neveruzhinji munguva pfupi iri kutevera vachiti vatadza kuita izvi nhasi sezvo riri zororo rekurangarira zuva rakazvarwa mutungamiri wenyika wekutanga VaRobert Gabriel Mugabe.

Gwaro reFinal Delimitation Report rinoratidza kuti ZEC yakatambira zvimwe zvichemo zvakataurwa neparamande zvichitevera kuburutsa kwayaykaita gwaro rekutanga.

Semuenzaniso gwaro rekutanga range rabvisa maConstituency akaita seWarren Park neGutu South asi ave mugwaro rakaburitswa nezuro.

Harare yave nemaConsitutuency makumi matatu kuba pamakumi maviri nemapfumbabwe pasarudzo dza2018 uyewo yave nemaConstituency matsva akaita seBudiriro North and South, Churu neHunyani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG