Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Onzi Aferefete Zvakare Nyaya Yekusungwa kwaRobert Mugabe Junior


Robert Mugabe Junior
Robert Mugabe Junior

Mwana wevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, Robert Tinotenda Mugabe Jnr, akasungwa nezuro manheru akaendeswa kumatare edzimhosva muHarare nhasi achipomerwa mhosva yekupwanya midziyo inokosha zviuru nezviuru zvemadhora.

Robert Mugabe Jnr aunzwa kumatare nhasi zuva rorova nhongonya asi nyaya yake haina kuzopinda mudare mushure mekunge vachuchisi vati idzokere kukamba yemapurisa ekuAvondale kuti inonyatsoongororwa isati yaunzwa kudare.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti Robert Mugabe Junior ari kupomerwa mhosva yekupwanya midziyo inokosha zviuru gumi nezviviri zvemadhora ekuAmerica pane imwe imba iri mumusha weStrathaven muno muHarare. Asi VaNyathi havana kunyatsotaura kuti chii chaizvo chakaitika zvakakonzera kuti midziyo iyi iputswe.

Assistane Commissioner Nyathi vati shamwari yaRobert Mugabe Junior Nkathazo Sindiso, ndiye akamhan’ara nyaya iyi.

Gweta rake, VaAshiel Mugiya, vati vakabatikana kuti vataure nezvenyaya iyi. Bepanhau reHerald ramboburitsa nyaya iyi padandemutande raro mangwanani asi razobvisa nyaya iyi.

Vane ruzivo nezvaitika kuHerald vati vasori vafonera mupepeti webepanhau iri vachiti nyaya iyi ibviswe padandemutande rebepanhau iri zvichinzi hazvaizopa chimiro chakanaka kuhurumende apo nyika yakatarisira kuita mhemberero dzeRobert Mugabe Youth Day rinova zuva rinopembererwa musi wakazvarwa vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakashaya muna 2018.

Hatina kukwanisa kutaura nevapepeti vebepanhau iri pamwe nemukuru wevasori VaIsaac Moyo kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nhare dzavo.

Mune imwewo nyaya yanga iri mudare, magweta emumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala nhasi asvitsa chikumbiro chekuti nyaya yavari kupomerwa pamwechete nemumiriri weChitungwiza North muparamende, VaGodfrey Sithole, yekunzi vakapesvedzera veruzhinji kuti vaite zvemhirizhonga kuNyatsime gore rapera imbomira kutongwa.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vaudza dare kuti vari kuda kuti rimwe gweta VaHarrison Nkomo, vapinde panyaya iyi vachibatsirana navo kumirira VaSikhala. VaBamu vati vari kuda kusvitsa chikumbirawo kudare repamusoro chekupikisa mutongo wakaturwa nemutongi ari kunzwa nyaya iyi kuti aenderere mberi neuitonga

Asi muchuchisi wenyaya iyi, VaGeorge Manokore, vati kupfuudzira nyaya iyi mberi kunoita kuti nyaya iyi inonoke kutongwa.

Mutongi wedare, Muzvare Tafadzwa Miti, vati chikumbiro chasvitswa kudare naVaSikhala hachina kuti tsvikiti uye kunonoka kutongwa kwenyaya iyi kwave kutokanganisawo VaSithole avo varikuramba vachingouya kudare pasina chiri kufamba.

Zvichakadai, gweta raVaSithole, VaOliver Marwa vakumbira kuti kutongwa kwaVaSithole kupatsanurwe nekwaVaSikhala.

VaMarwa vati vanoda kuti VaSikhala vagozopa humbowo pakutongwa kwaVaSithole kana kutongwa kwevaviri ava kukapatsanurwa.

VaSikhala naVaSithole vakasungwa gore rapera vachinzi vakapesvedzera mhirizhonga kuNyatsime zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa nhengo yebato ravo reCitizens Coalition for Change, Muzvare Moreblessing Ali, neinofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi mudare redzimhosva.

Mhuri yaMuzvare Ali inoti haisi kuzoviga mutumbi wemufi kudzamara VaSikhala vaburitswa muhusungwa kunyange hazvo vanofungidzirwa kuti vasori vachinzi vakamboedza kuviga mutumbi waMuzvare Ali kumarinda ekuMabvuku gore rapera zvisina kuwirirana nehama dzemufi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG