Mapurisa ange akapakatira zvombo uye nemotokari dzange dziine mvura inoshandiswa kana paita mhirizhonga afumobata jongwe muromo kuenda kunhandare yeMkoba Stadium kuGweru kwange kuine musangano webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C.
Musangano uyu wange warongwa nemumiriri weMkoba mudare reparamende vari murongi wemabasa mubato reCCC VaAmos Chibaya.
Mapurisa nguva zhinji ari kurambidza vebato reTripple C kuita misangano mumatunhu akawannda enyika.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kuti bato iri harisi kutevedzera mutemo weMaintenance of Peace and Order Act kana kuti MOPA pakukumbira kuita misangano.
Mutauriri weTripple C Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio 7 kuti mapurisa ange achida kutyisidzira vatsigiri vavo asi hazvina kushanda.
Facebook Forum