Mutambi wenhabvu anove chizvarwa chekuGhana, Christian Atsu, awanikwa akafa ari pasi pechivakwa chaaigara kuchamhembe kweTurkey zvichitevera kundengendeka kwepasi kwakaitika svondo rapera.
Mashoko ekufa kwaAtsu aziviswa nemumiriri wake kuTurkey.
Mutambi uyu anga achishaikwa kubva musi wa 06 Kurume apo pakaputsika muturikidzwa waaigara muHatay mushure mekundengendeka kwepasi.
Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muGhana razivisa kuti mukoma waAtsu pamwe nehanzvadzi yake inove mupatya wake vanga varipo paburitswa mutumbi wake muchivakwa chakawondoka ichi. Muzinda weGhana muTurkey unonzi uri kuronga nezvekutakurwa kwemutumbi wake kuti unovigwa kumusha kuGhana.
Atsu anga achitambira Chikwata cheHatayspor uye anga ave nemakore makumi matatu nerimwe ekuberekwa.
akambotambirawo zvikwata zvinosanganisira Everton, Chelsea neNewcastle United kuEngland nePorto kuPortugal.
Vanhu vanodarika zviuru makumi mana nezvishanu, 45 000, vaurayiwa nechiitiko ichi muTurkey neSyria.
Facebook Forum