Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanoita Musangano neMukuru weIOM Pamusoro peZvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa


Mukuru wesangano reI-O-M, VaAntonio Vitorino
Mukuru wesangano reI-O-M, VaAntonio Vitorino

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kumusangano weAfrica Union wechimakumi matatu nenhanhatu, kana kuti 36th Ordinary Session of the African Union kuAddis Ababa, kuEthiopia, vasangana parutivi pemusangano uyu nemukuru wesangano reInternational Organisation for Migration, IOM, VaAntonio Vitorino.

Vaviri ava vanonzi vazeya nyaya yekuti vangashanda pamwe sei mugadziriro nehurongwa hwekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuronga kudzokera kumusha pachapera kushanda kwemagwaro eZimbabwe Exemption Permits, ZEP, mukupera kwaChikumi wegore rino.

Bepanhau re Herald rinoti mushure memusangano uyu, VaVitorino vati sangano ravo rakagadzirira kuwanisa vanenge vadzoka kumusha ava hunyanzvi hwakasiyanasina.

Asi sachigaro vesangano rinoshanda nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, reAfrica Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti hapana zvitsva zvingabuda kubva mumusangano uyu nekuti sangano re I-O-M ragara richibatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa pasina rubatsiro rwunobva kuhurumende.

Doctor Sibanda vanoti chinofanirwa kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa kana ichida kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzokera kumusha kuwanisa pekugara vasina pekugara, uye kuzivisa kuti ichabatsira sei vana vechikoro vanenge vakanganiswa zvidzidzo zvavo.

Asi hurumende kuburikidza nemuzinda weZimbabwe uri muSouth Africa, inonzi yakatotanga hurongwa hwekuona kuti vanhu vangani vari kurongwa kudzokera kumusha kuitira kuti ivape rubatsiro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kusvika kuzviuru zana nemakumi masere, kana kuti 180 000 zvinonzi zvakatarisana nedambudziko remagwaro ekuti zvirambe zviri muSouth Africa panopera kushanda magwaro eZEP.

Sangano reIOM ragara richibatsira zvizvarwa zveZimbabwe, zvikuru madzimai akasangana nematambudziko ekupambwa vachinoitwa nhapwa kunyika dzeku Middle East, pamwe nevaishungurudzwa nenyaya dzemarudzi muSouth Africa.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG