Accessibility links

Breaking News

Muimbi weNziyo dzeChitendero Apostle Chosen Jaji Vanoparura Dambarefu Idzva Rinonzi "Hondo Mumakereke"


Muimbi wenziyo dzechitendero, Apostle Chosen Jaji
Muimbi wenziyo dzechitendero, Apostle Chosen Jaji

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi wenziyo dzechitendero, Apostle Chosen Jaji, avo vakaberekerwa kuBuhera asi pari zvino vave kugara muHarare nemudzimai wavo nevana vaviri.

Vaparura dambarefu ravo idzva rinonzi “Hondo muMakerereke”, iro ravanoti nderechipiri kubva zvavakatanga kuita zvemagitare. Apostle Jaji vanoti mimhanzi yavo iri kutambirwa zvakanyanya muvanhu sezvo vachiimba shoko rine mharidzo inobetsera vazhinji muhupenyu hwavo.

Vhidheyo yekuona - Apostle Chosen Jaji
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:31 0:00

Asi vanoti vanosangana nemamwe metambudziko anosanganisira kushaiwa mari dzakakwana dzekuti vagone kutsikisa nziyo nemavhidhiyo akanaka anofarirwa nevateereri, mari dzekutakurisa midziyo yekushandisa pakuridza kuma gungano avanoita uyewo kutsvagisa zvikwanisiro zvinoita kuti basa ravo rifambe zvakanaka.

Vachipa mashoko kuvateereri nevatsigiri vavo, vanoti vanopa kutenda zvikuru nerutsigiro rwavanowana kubva kune vakawanda.

Vanoda kuteerera mimhanzi yaApostle Jaji kana kuvateverawo mumadandemutande vanogona kuvawana paFacebook, Twitter, Instagram neYoutube, uye vanobatika panhamba dzenhare dzinoti +263 773 758 323. Nhamba idzi ndidzowp dzvanoshandisa paWhatsapp zvakare.

Hurukuro na Mufundisi Chosen Jaji-WOZA FRIDAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG