Accessibility links

Breaking News

Sangano rePan-African Positive Women’s Coalition Zimbabwe Rokurudzira Madzimai Kuti Vasatye Kuwongororwa Hutachiwona hweHIV/AIDS


Amai Tendai Westerhof
Amai Tendai Westerhof

Vesangano rinorwira kodzero dzemadzimai anorarama neHIV/AIDS rePan-African Positive Women’s Coalition Zimbabwe, Amai Tendai Westerhof, vanoti zvakakosha kuti madzimai aongororwe kuti ane hutachiwana here pachine nguva kuitira kuti vawane kuenda pachirongwa chinoita kuti vararame hupenyu huzere uye hune hutano zvakanaka.

Amai Westerhoff mumwe weavo vari kurarama nehutachiwona hweHIV uye vanoti sangano ravo gore rino rakatanga chirongwa chekuwongorora kuti seyi mamwe madzimai abva zera ari kutora mushonga kwenguva ndefu ave kutarisana nedambudziko regomarara.

Vanoti donzvo resangano ravo nderekuti madzimai anorarama nehutachiwana hweHIV/AIDS ararame hupenyu huzere.

Amai Westerhof vakanyora bhuku rinorondedzera rwendo rwavo rwekubuda pachena kwavakaita kuti vari kurarama nehutachiwana hweHIV, uhwo vanoti hwunokwanisika kuraramiwa nahwo kana munhu achitora mishonga yake nenguva uye achichengetedza hutano hwake.

"Shuviro yangu ndeyekuti madzimai akawanda asatye kuvhenekwa kuti ane hutachiwana hweHIV/AIDS uye vakawonekwa vanawo voenda pachirongwa nekuzvichengetedza. Tine magungano akawanda padandemutande reWhatsApp atinosimbisana tichipanana hwaro hwekuti torarama seyi," Amai Westerhof vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG