Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano Akazvimirira muMasvingo Opomera Zanu PF Mhosva yeKuarambidza Kupinda muMaruwa Kunoita Basa, Zanu PF Ichiti Manyepo


Vemasangano akazvimirira muMasvingo vachisangana.
Vemasangano akazvimirira muMasvingo vachisangana.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu muMasvingo ari kuchema-chema kuti ari kurambidzwa kupinda mune mamwe maruwa kuti aite basa rawo nenhengo dzebato reZanu PF idzo dziri kuapomera mhosva yekunyengera vagari kuti vasavhotere bato riri kutonga pasarudzo dzegore rino idzo dzaswedera.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nemasangano aya muMasvingo neChishanu.

Vanorwira kodzero dzevanhu ava vati nenyaya dzesarudzo dzave kusvika, kushanda kwave kunetsa sezvo nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF dziri kuvarambidza kuenderera mberi nezvironga zvavanenge vanazvo.

Izvi zvinonzi zviri kunyaya kuitika munzvimbo dzakaita seGutu, Bikita, Zaka neMwenezi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musango rinorwira kodzero dzemadzimai, reMasvingo Women’s Forum(MWF), Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti vakarambidzwa kuita musangano nemadzimai kwaChivi svondo rapfuura.

Izvi zvatsinhirwawo neMuzvare Joyce Mungu vesangano reCommunity Development Plartfom (CDP), avo vati vakamiswa kuita basa ravo vari pakati kwaGutu.

Vemasangano aya vanoti ivo vari kuita basa ravo vasingapindiri mune zvematongerwo enyika vachiti chavo kudzidzisa vanhu kodzero dzavo.

Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa
Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa

Sachigaro vesangano rinomirira masangano akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa, vati nhengo dzavo dziri kurambidzwa kuita mabasa adzo nenyaya dzesarudzo dzave kusvika.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, varamba mashoko aya vachiti manyepo vachiti bato ravo rinotoda kuti vemasangano ava vashande mumaruwa vaunze budiriro.

Zvichakadaro, dare remajisitireti kwaGutu rawana nhengo mbiri dzebato reCitizens Coalition for Change (CCC) dzisina mhosva yekurova vatsigiri veZanu PF, avo vavanoti ndivo vakavarova asi vakazopidigura nyaya vave kumapurisa.

Mutongi wedare, VaMandhlenkosi Ndlovu, varasa mhosva yanga ichipomerwa VaNhamo Makumbe nemwana wavo Tinotenda vachiti pange pasina humbowo hunoratidza kuti ndivo vakarova vatsigiri veZanu PF.

Gweta revaviri ava, VaMartin Mureri, vati nyaya iyi yaraswa sezvo mutongi vaona kuti manyepo akarukwa nevakange vatanga mhirizhonga.

Vaviri ava vakasungwa mushure mekumhangarirwa kumapurisa nevatsigiri veZanu PF avo vanopomerwa mhosva yekufamba vachirova vatsigiri veCCC vachivarambidza kupfeka nhumbi dzeruva rweYellow gore rapera muna Mbudzi kwaMupandawana.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG