Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosvika kuEthiopia kuMusangano weAfrica Union


VaMnangagwa vari kuEthiopia kumusangano weAfrican Union 36th Ordinary Session of the AU Summit.
VaMnangagwa vari kuEthiopia kumusangano weAfrican Union 36th Ordinary Session of the AU Summit.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kuAddis Ababa, kuEthiopia, uko vaenda kunopinda musangano weAfrican Union wechimakumi matatu nenhanhatu, kana kuti 36th Ordinary Session of the AU Summit.

Dingindira remusangano uyu rinoti gore rekuendesa mberi hurongwa hwekutengeserana kwakasununguka muAfrica, kana kuti "The year of AfCFTA: Acceleration of the African Continental Free Trade Area Implementation," uye rakanangana nekutsvaga nzira dzekusimudzira kushanda pamwe nekutengeserana mudunhu.

Dzimwe nyaya dzinonzi dziri kutarisira kukurukurwa kumusangano uyu dzinosanganisira dzezvematongerwo enyika, magariro evanhu, pamwe nedzezvehupfumi.

Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vatambirwa panhandare yendege yeBole International Airport negurukota rezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava, gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, mumiriri weZimbabwe kuAfrica Union, Amai Sophie Nyamudeza, uye gurukota rinoona nezvemitambo netsika muEthiopia VaKejela Merdasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG