Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Vatori veNhau Kuti Vasapesvedzere Mhirizhonga


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vakurudzira vatori venhau kuti vanyore chokwadi panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rino vachiti izvi zvinoita kuti munyika muve nerunyarararo. VaMnangagwa vataura mashoko aya pakuvigwa kwevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChristopher Mushowe, avo varadzikwa pamarinda anovigwa magamba enyika paNational Heroes Acre.

VaMnangagwa vati vatori venhau vanofanira kuita basa ravo nemazvo zvavati zvinobatanidza veruzhinji zvikurusei panguva ino nyika yatarisana nesarudzo.

Asi mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati zvakakosha kuti vatori venhau vaite basa ravo nemazvo vachipihwa mukana wekushanda vasingashungurudzwe sezvinowanzotika pose panoitwa sarudzo munyika.

Izvi zvatsinhirwawo nemutevedzeri webato rinopikisa VaOstallos Siziba vati zvainge zvakanaka dai VaMnangagawa vatangira kuona kuti zvavari kutaurwa zvaitwa neZBC,

Vakurudzirawo vashandi vehurumende kuti vaite basa ravo nemazvo vachiti ndizvo zvinoita kuti nyika ibudirire. Asi munyori mukuru musangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Unions VaDavid Dzatsunga vaudza Studio 7 vati vashanndi vanodaw chekubata.

VaMnangagwa vatsanangura VaMushowe semunhu aishanda nesimba muhurumende pavakaita gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, rezvekutakurwa kwezvinhu uye nepavakazoshanda semukuru muhofisi yevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiona nezvekupihwa kwemabhezari kana kuti scholarships.

Mwana wamushakabvu Mushowe, Muzvare Tanyaradzwa Mushohwe vati mhuri yavo yarasikirwa zvikuru.

VaMushohwe vakaberekwa musi wa 6 Kukadzi 1954 vakazopinda munezvematongerwo enyika munguva yeRhodesia. Nyika yawana kuzvitonga kuzere, VaMushohwe vakaita zvigaro zvakawanda muhurumende zvinosanganisira kuve mutevedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu basa iro vakapihwa muna 2001 mushure mekumbenge vashanda saComptroller muhofisi yemutungamiri wehurumende kubva muna 1981 kusvika muna 1986.

Muna 2004 VaMushohwe vakaitwa gurukota rizere rekutakurwa kwezvinhu ndokuzova gavhuna wedunhu reManicaland kubva muna 2008 kusvika muna 2013. Vakazoitwa gurukota rinoona nezvevechidiki muna 2014 vasati vaitwa gurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko muna 2015.

Vakazove mukuru anoona nezvemamabhezari kana kuti scholarship muhofisi yemutungamiri wenyika kubva muna 2017 kusvika pavakazoshaya neMuvhuro mushure mekurwara kwenguva yakareba ne chirwere chisina kutaurwa.

VaMushohwe vakaitawo zvigaro zvakasiyana mubato reZanu PF kubva muna 1982. Vasiya siya mudzimai Amai Penelope Batsirai Mushohwe, nevana vasere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG