Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Haiwirirane neZviri Kutaurwa neMapurisa Pakuvarambidza Kuita Misangano Pamberi peSarudzo


Mapurisa ayo ari kushorwa zvikuru munyika nekunze nenyaya yekurambidza bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuita misangano kunyangwe nyika yatarisana nesarudzo ari kuti vamwe vezvematongerwo enyika havasi kurevedzera mutemo zvinopa kuti varambidzwe kuungana.

Vachitaura kuvatori venhau nezuro pamusangano wakarongwa neboka rinomiririra vatori venhau reMedia Institute of Southern Africa kana kuti MISA, mutauriri wemapurisa munyika Asst Com Paul Nyathi vakati mamwe mapato ezvematongerwo enyika haatevedzeri mitemo yekuita misangano.

VaNyathi vanoti kana vanhu vachida kuita misangano hakusi kungozivisa mapurisa chete kunotarisirwa asi kuwirirana kuti vanoshanda sei nemapurisa kuchengetedza runyararo.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCitizen Coalition for Change kana kuti CCC VaOstalos Siziba vanoti vakarambidzwa kuita misangano yavo yakawanda kunyange vachitevedzera zvinodikanwa nemutemo weMaintenance of Peace and Order Act kana kuti MOPA.

VaSiziba vanoti sebato riri kutarisira kuumba hurumende itsva mushure mesarudzo dzegore rino vanotarisira kushanda nemapurisa anotarisa kuti wabuda mumba maani.

Panyaya yekuita misangano, gweta VaChamu Chimutsa vanoti mutemo uri pachena kuti munhu anosungirwa kuzivisa mapurisa chete.

Bato reCCC rinoti rakarambidzwa kuita misangano yaro inosvika makumi matanhatu gore rapera chete.

Panyaya yevatori venhau vanorohwa nekusungwa nemapurisa pamisangano yevezvematongerwo enyika, VaNyathi vakati vane hurombo asi vakayambira vatori venhau kuti vasafambe mudzimota mevezvematongerwo enyika .

Sarudzo dzemunyika dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu sematauriro akaita mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Asi kunyangwe bato reZanu-PF riri kunzi riri kuita misangano pamadiro, VaNelson Chamisa nebato ravo vari kurambidzwa kuita misangano nevatsigiri vavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG