Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kusangana pamwe nekuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naVaLawrence Tazviwona Muchato, vanobva kuUzumba, avo vari mumusha weOrange Farm mudunhu reGauteng muSouth Africa.
VaMuchato, avo vanoshanda sa civil engineer, vanoti vakaenda kuSouth Africa muna 2007 vachitiza mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika mugore iri, iyo yakamanikidza vanhu vakawanda kutiza misha yavo uye yakaitawo kuti vamwe varasikirwe nehupenyu hwavo.
MuSouth Africa vanoti vakasvikosangana nekuoma kwehupenyu, semunhu akanga aenda kusina amai, asi vakashingirira vakaita zvidzidzo zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira zve civil engineering, inove yavari kuita pari zvino.
VaMuchato vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakatanga zvakaoma, vakakwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro pamwe nekuchengeta hama neshamwari dziri kumusha, uko vaitumira mari dzechikoro, chikafu pamwe nemafotereza.
Vanoti vakazokwanisa kudzokera kumusha muna 2019, uye vave kuronga kudzokera zvachose kunovaka nyika vari pamwechete nevamwe.
Asi vari kukurudzira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vadzokere kumusha kunonyoresa kuvhota, vachiti sezvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nyika inovakwa nevene vayo.
Facebook Forum