Accessibility links

Breaking News

Poita Gakava Pakuti Pamutemo Mwana Anobvumidzwa Kuita Zvepabonde Ave neMakore Mangani


Gore rapfuura muna Chivabvu, dare repamusoro soro munyika reConstitutional Court rakapa mutongo wekuti zera rinokwanisa kunge richibvumirwa mwanasikana kuita zvepabonde, riwedzerwe kubva pamakore gumi nematanhatu kusvika pamakore gumi nemasere.

Asi vamwe vanoti bumbiro remitemo yenyika rinotara chete makore anofanirwa kuti mwanasikana aroorwe, kwete kuti makore ekuti aite zvepabonde.

Kunyange hazvo vakawanda munyika vakatambira mutongo weConcourt nemaoko maviri vachiti uchachengetedza kodzero dzevanasikana vasati vabva zera sezvo vaimakidzwa kuitwa madzimai vachiri vadiki.

Asi vamwe vanoti mutemo uyu uchatadzisa vanasikana vari pasi pemakore gumi nemasere kuti vawane rubatsiro rwekuzvidzivirira kuti vasabate pamuviri.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Rumbidzai Venge, vanoti kana mutemo uyu ukadzikwa, vana vanoita zvepabonde vasati vabva zera vanenge vasisakwanisi kuenda kumakirinika kana kuzvipatara zvehurumende, kunotsvaga rubatsiro.

Muzvare Venge vanoti vezera riri pasi pemakore gumi nemasere vachatarisana nenguva yakaoma sezvo vabereki vazhinji vasingabvumirane nepfungwa dzekuti vana ava vaite zvepabonde nguva yavo isati yakwana.

Mumwe mubereki anogara muHarare, Amai Success Samupambi, vanoti chero akanongedzerwa pfuti, havamboendi nevana vavo kunobatsirwa kuti vasabate pamuviri pavanenge vachiita zvepabonde sezvo vachiri vadiki.

Asi mukuru wesangano rinoshanda nevana re Zimbabwe National Council for the Welfare of Children, Mufundisi Taylor Nyanhete, vanoti kana kuri kuti mutongo we Constitutional Court waitwa mutemo, hazvitadzisi vana kuenda kunobatsirwa pamusoro penhau dzine chekuita nezvepabonde kumakiriniki kana zvipatara, asi kungoti mubereki anofanira kunge achitenderana nazvo.

Mukuru wesangano re Female Students Network Trust, Muzvare Evernice Munando, vanoti mutemo uyu uchatadza kuzadzikisa donzvo rawo nekuda kwekuti vabereki havasi kunzwisisa kuti mutemo wakanangana nekuchengetedza vana, kwete kuvakurudzira kuita zvepabonde.

Mutauriri wesangano re Students and Youth Working on Reproductive Health Action Team, VaCosta Nkomo, vanoti pachadzikwa mutemo uyu panofanira kubva pajekeswa kuti vana vasina vabereki vanenge vachizokwanisawo here kubatsirwa muzvipatara sezvo vana ava vachiita zvepabonde pachavo.

Mutongo weConcourt uyu wakakomekedza hurumende kuti inge yadzika mutemo uyu mukati memwedzi gumi nemiviri, uye nguva iyi inopera muna Kubvumbi gore rino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa pamire bazi rezvemitemo panyaya panguva yataenda pamhepo.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti hapana kuwirirana muhurumende pamusoro pemutongo weConcourt, vamwe vachiti zviri mubumbiro remitemo, zvinobata chete makore akatarwa ekuti mwanasikana aroorwe, kwete kuti unobata nyaya dzemakore anobvumidzwa kuti munhu aite zvepabonde.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG