Accessibility links

Breaking News

Papera Makore Mashanu Vashaya, VaTsvangirai Vorangarirwa seGamba Rekurwira Hutongo Hwejekerere


Morgan Tsvangirai
Morgan Tsvangirai

Nhasi Zimbabwe iri kurangarira vaimbova mutungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai vakashaya musi wa14 Kukadzi 2018.

VaTsvangirai avo vaive munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions ndivo vakava mutungamiri webato reMDC wekutanga muna 1999.

Asi kubva zvavafa, zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka mubato ravo sezvo nhaka yavo yakaunza misodzi yakanyanya pachirwirwa tsvimbo. Kunetsana uku ndiko kwakapa kuti mumwe aive mutevedzeri wavo VaNelson Chamisa vaumbe bato ravo reTripple C gore rapera.

Mumwe mutevedzeri wavo Doctor Thokozani Khupe vakamboumbawo bato ravo vasati vabatana naVaChamisa. Muzvare Khupe vakanetsana naVaDouglas Mwonzora vaive munyori mukuru webato reMDC pakafa VaTsvangirai. Asi VaMwonzora havana kana sarudzo imwe chete yavakunda kubva zvashaya VaTsvangirai zvopa vamwe kuti vati bato iri rave zuru rakapinda nyoka.

Asi mutauriri webato iri VaWiness Dube vati bato ravo re MDC riri kuenderera mberi kubva pavakasiirwa na muchakabvu Va Tsvangirai

Asi vachipindura, VaMudzuri avo vari kunzi vadzingwa kuva nhengo yeSenate naVaMwonzora mushure mekunetsana nezvekusarudzwa kwaVaMwonzora kuti vatungamire vati VaMwonzora vauraya bato.

Vachitaura nezverufu rwaVaTsvangirai mutauriri webato re CCC Muzvare Fadzayi Mahere vatiwo nhasi izuva rakakosha ku nyika ye Zimbabwe rekurangarira mabasa makuru akabatwa na Va tsvangirai vari vapenyu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisai Ruhanya vati VaTsvangirai vaive nehushingi uhwo hwavati hwakavapa kumira ne rekuti vana ve Zimbabwe vawana rusununguko rwe chokwadi.

VaTsvangirai vakaberekwa musi wa 10 Kurume 1952 kwaGutu. Muna 2003 vakambopomerwa mhosva yekuti vaida kupidigura hurumende nechisimba kana kuti treason asi vakazochenurwa nedare. Vakaita mutungamiri wehurumende vachishanda namushakabvu Robert Mugabe mushure mekunge sarudzo dzemutungamiri wenyika dzechipiri dzaita mhirizhonga inotyisa muna 2008.

Nyaya ina Evans Zininga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG