Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Kukwira kweKushandiswa kweMari yeKunze muNyika Kwowedzera Kushaya Simba kweDhora remuNyika


Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica
Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica

Dhora remunyika rinonzi riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi dzezvehupfumi zviri kukonzerwa nekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuda kushandiswa dhora rekuAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, vanoti kukwira kwekushandiswa kwedhora rekuAmerica uku kuri kubva mukuti zvinhu zvose munyika kusanganisira mari dzechikoro zvave kuda kubhadharwa nemari yekunze iyi.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti zvitengeswa zvizhinji munyika zvave kubhadharwa nemari yekuAmerica, izvo zviri kuwedzera kushandiswa kwemari yekunze iyi.

Vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo dambudziko rekushaya simba kwedhora remunyika rave nenguva yakareba uye richikonzerwa nekusashanda zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Kunyange hazvo pave nevamwe vari kukurudzira kuti hurumende isendeke parutivi dhora remunyika yodzokera mukushandiswa kwedhora rekuAmerica, VaKuchera vanoti havaoni izvi zvichiitika.

Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Saka zvingagadziriswa sei izvi kuti dhora remunyika rigadzikane? Doctor Chitambara vanoti chinokwanisa kuitwa chete pakudzosa kugadzikana kwedhora remunyika kumisa kukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation.

Pakupera kwezuva ranhasi, dhora rekuAmerica rinonzi ranga richitengwa nemadhora mazana masere nemakumi mashanu nematanhatu emunyika, kana kuti 1USD ZWL$856.00 pamusika weReserve Bank of Zimbabwe Auction Floor.

Pamusika mutema dhora rekuAmerica rinonzi riri kusvika kumadhora emunyika chiuru nemazana maviri kana kudarika.

Kunze kwekunge hurumende yatora matanho anokodzera, dzimwe nyanzvi dzehupfumi dzinoti dambudziko iri richaramba riripo kwenguva ndefu.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG