Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopemberera Zuva reValentine's Day


VALENTINES-DAY/MEXICO
VALENTINES-DAY/MEXICO

Zuva reValentine's Day ratambwa zvakasiyana munyika vamwe vachiratidzana rudo nekupanana maruva nezvimwe zvipo, asi vamwe vachiti nekuoma kwakata hupenyu havana zvakawanda zvavakwanisa kuitira vadikani wavo. Kune vemabhizimisi vakawanda, basa range richifamba zvakanaka muHarare.

Amai Jennifer Munjero vanotengesawo mune chimwe chitoro paTravel Plaza muHarare vati kubva mangwanani vanga vakangomira vachibatsira vatengi vanga vachitsvaga zvipo zveValentine's Day.

Amai Sharon Ariminyo ndeumwe wevanga vachitengesa zvipo zveValentine's vachishandisa motokari yavo muHarare nhasi. Vati vanokoshesa zuva rerudo iri vachiti vanoitawo mari yakawanda nekutengesa zvipo.

VaAndrew Chipunza vati kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi munyika kwavhiringa zuva ravo ranhasi .

Amai Wongai Sibanda vatiwo kunyangwe zvazvo vachicherechedza zuva reValentine's Day iri, nhasi vakanganiswa nekuva pabasa uyewo zvakare kuve kure naamai vavo vavanga vachida kuratidzawo rudo.

Asi mumwe mudzimai Amai Loveness Mbiri vasina kuda kuenda pamhepo vati chitendero chavo cheJohovah Witness hachicherechedzi zuva iri .

Zuva reValentines iri rinocherechedzwa musi wa14 Kukadzi gore rega rega asi zvimwe zvitendero munyika hazvicherechedzi zuva iri.

Nhasiwo mamwe masangano akazvimiririra akurudzira veruzhinji kuti vakoshese kushandisa makondomu kudzivirira kutapukirana kwechirwere cheHIV/ AIDS apo vanga vachicherechedza zuva re International Condom Day iro rakatangwa kucherechedzwa ne sangano rakazvimiririra rekuAmerica reAids Healthcare Foundation richicheredzwa munyika dzakawanda musi wa13 Kukadzi

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG