Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza World Radio Day


programs-studio7
programs-studio7

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rese nhasi kucherechedza zuva rekutepfenyura neRadio kana kuti World Radio Day, vazhinji vachiti wairesi yakakosha zvikuru muhupenyu hwevanhu panyaya dzekuburitswa kwemashoko.

Nyanzvi munezvekutepfenyura munyika, VaJohn Masuku vati zuva ranhasi rakakosha zvikuru uye veruzhinji vanofanirwa kuramba vachisimudzira wairesi nekuishandisa kusimudzira runyararo munyika.

Izvi zvatsigirwawo naVaKudzai Kwangwari imwe nyanzvi munezvekutepfenyura vawedzerawo vachiti humhizha hwechimanje manje hwave kuitawo kuti zvive nyore kutepfenyura pamawairesi..

Vawedzerawo vachiti zvakakosha kuti marezinesi ekutepfenyura newairesi apihwe pasina huwori uye kupa marezinesi kune vanokwanisa kubva vatanga kutepfenyura.

Vanopepeta nhau panhepfenyuro yemunharaunda yekuChipinge inonzi Vemuganga FM, VaOwen Dhliwayo vatiwo hurumende yakagona kupa dzimwe nhepfenyuro dzemunharaunda marezinesi sezvo zvichibatsira mukufambiswa kwemashoko..

Mumwe mugari wemuHarare VaSilence Gwande vatiwo nhepfenyuro yeradio munyika inobatsirawo kufambisa mashoko kusanganisira kune varikumaruwa kunyanya nyika yatarisana nesarudzo.

Mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi vati vanhu vazhinji vanoziva zvirikuitika munyika kuburikidza newairesi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvekubudiswa kwemashoko nezuva ranhasi sezvo tatadza kubata gurukota rebazi iri Amai Monica Mutsvangwa. Asi munguva pfupi yadarika, mutevedzeri wavoVaKindness Paradza vakati hurumende ine chido chekusimudzira nyaya dzekutepfenyura munyika .

Bazi reUnited Nations rinoona nezvedzidzo reUNESCO ndiro rakakatanga kucherechedza zuva iri muna 2011 musi wa 13 Kukadzi, uye gungano guru reUnited Nations General Assembly rakazotora muna 2012 kuti ripemberererwe musi uyu gore roga roga.

Gore rino, zuva iri ririkucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekuunza runyararo kubudikidza nezvinotepfenyurwa kana kuti Radio and Peace. Kunyangwe kwave kuuya dzimwe nzira dzekuti vanhu vawane mashoko, nyanzvi dzinoti remangwana reradio rakajeka.

Nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzinotiwo remagwana reradio rakajeka sezvo vanhu vari kukwanisa kuinzwa pamacomputers, nharembozha uye pane zvechizvino zvino zvakaita semapodcasts, Spotify neApple music. Vanhu vakawanda munyika nepasi rose vachiri kunzwa nhau kubva kumaradio.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG