Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva yeKuda Kuita Bato Rimwe muNyika kana kuti "One Party State"


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Bato riri kutonga reZanu-PF riri kuramba zviri kutaurwa nevanopikisa kuti rave kuda kuti munyika muiite bato rimwe chete kana kuti “one party state” sezvo riri kupomerwa mhosva yekushandisa mapurisa sembato kurambidza bato rinopikisa reCitizens Coaliton for Change kuita misangano.

Musarudzo dzadarika dzemaby-elections uye muongororo dziri kuitwa nemamwe masangano akazvimirira oga zviri kubuda pachena kuti mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa ndivo vachakwikwidzana zvakasimba nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu.

Asi veCCC vanoti kunyangwe VaMnangagwa vave nemakore vachitsvaga rutsigiro ivo vari kurambidzwa kuita misangano nemapurisa achishandisa mutemo weMaintenance of Peace and Order kana kuti MOPA.

Magweta ataura neStudio 7 ati tsamba dziri kubva kumapurisa hadzisi pamutemo nekuti hadzisi kupa zvikonzero zvekumisa misangano iyi kunze kwekungoti haasi kutevedzera mutemo.

Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti hachisi chido cheZanu-PF kuti munyika muve nebato rimwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ongororo yakaitwa nemasangano akaita seZimbabwe Human Rigts NGO Forum, University of Cape Town neUniversity of Zimbabwe iri muJournal of Democracy, Governance and Human Rights in Zimbabwe yakaburitsa pachena kuti mutemio weMOPA wave kushandiswa kumbunyikidza vanopikisa hurumende kutodarika mutemo waivepo kare wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakamboudza Studio 7 kuti zvekurambidza musangano zviri kumapurisa ari kumatunhu kwete kumahofisi makuru makuru. Asi vanopikisa vanoti havo uku kuhwanda nemunwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neStudio 7, mumiriri weMutasa Central vari nhengo yeCCC VaTrevor Saruwaka vati kunyangwe pashoma pavanopihwa mikana yekuita misangano, mapurisa anouya kuzovakanganisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG