Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nemasere kana kuti 28 000 vanonzi vafa mukudengenyikakwenyika kwakaitika nemusi weMuvhuro muTurkey nemuSyria. Vafa vakawanda vari muTurkey.
Kutsvaga vanogona kunge vachiri vakatsikirirwa nemidhuru kuri kuenderera mberi kunyangwe hazvo vari kubatsira vari kuti mukana wekuwana vachiri vapenyu wave mushoma.
Vamwe vashoma vachiri kuwanikwa havo vari vapenyu zviri kupa vari kuvatsvaga ava simba rekuramba vachiita basa.
Facebook Forum