Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano eVarairidzi Ochemachema neMihoro Yaanoti Iri Pasi Uye Kushaikwa kweNhaurirano dzeMihoro neVashandirwi


Munyori wesangano revarairidzi reZINEU, VaCharles Chinosengwa naVaTasaranarwo Farai veZimbabwe Democratic Teachers Union
Munyori wesangano revarairidzi reZINEU, VaCharles Chinosengwa naVaTasaranarwo Farai veZimbabwe Democratic Teachers Union

Vamwe vamiririri vemamwe masangano evarairidzi vari kuchemachema nekwavanoti kushomeka kwemari dzemihoro yavo, idzo dzavanoti zvakare hadzichina simba kana dziri mumadhora emunyika, uyewo kwavanoti kushaikwa kwenhaurirano pakati pevamiriri vevashandi nemushandirwi.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare vakamiririra musangano eZimbabwe Democratic Teachers Union (ZDTU) ne Zimbabwe National Educators Union (ZINEU), VaCharles Chinosengwa, vanove munyori muZINEU, vati mari yavanotambira yemadhora emunyika yangova mutero wembwa.

Vaendererawo mberi vachitsutsumwa zvikuru nekushaikwa kwehurukuro pakati pavo nehurumende.

Izvi zvatsigirwawo nemutungamiriri wesangano revakuru vezvikoro nevanovatevedzera, reZimbabwe National Union of School Heads (ZINUSH), VaMunyaradzi Majoni, avo vatiwo vanoshungurudzwa zvikuru nekusavepo kwehurukuro pamwe nemari shoma dzemihoro.

Muzvinafundo Paul Mavima, (Columbus Mavhunga/ VOA)
Muzvinafundo Paul Mavima, (Columbus Mavhunga/ VOA)

Varairidzi ava vatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo vanodawo kuti vezvematongerwo enyika vasavhiringidza mashandiro avo.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati bazi ravo harikwanisi kutaura nezvemihoro yevarairidzi sezvo zvichionekwa nebazi rinoona nezvevashandi.

Asi VaNdoro vati apo nyika yatarisana nesarudzo bazi ravo rinodawo kuti varairidzi vasavhiringwa panyaya dzezvematongerwo enyika, vakati izvi zvinogoneka chete kana varairidzi vakaita basa ravo vasingaiti zvematongerwo enyika.

Varairidzi vachemachemawo vachiti zvimwe zvavanovimbiswa nehurumende kuti zvitsigire mihoro yavo iri pasi hazvisi kuzadzikiswa, vakapa muenzaniso wemagetsi ezuva. Studio 7 yatadza kubata gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima pamwe nemunyori mukuru mubazi iri VaSimon Masanga.

Asi Muzvinafondo Mavima vakaudza Studio 7 svondo rapera kuti vari kutarisira kuti musangano wekuzeya mihoro yevashandi vehurumende weNational Joint Negotiating Council, uyo unobatanidza vanomirira vashandi nevanomirira vashandirwi, uchaitwa mwedzi uno usati wapera.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG