Accessibility links

Breaking News

Muimbi Wechidiki Achiri Kusimukira, Tanaka Muteka, Oruka Dambarefu Idzva Rine Mitakunanzwa yeNziyo


Tanaka Muteka
Tanaka Muteka

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nemuimbi wechidiki achiri kusimukira, Tanaka Muteka, uyo anoti ari kuruka dambarefu idzva rine nziyo dzakaita saana "Bhebhi Uriko" na "Mukana."

Tanaka anoti akatanga zvemagitare gore rakapera asi vabereki vake vakanga vasingazvifariri, asi iko zvino vave kuona kuti ane gwara rinotevedzeka zvekuti ave kuitawo mashowo, zvikuru mudhorobha raanogara reChinhoyi.

Muimbi uyu anoti mamwe ematambudziko aanosangana nawo anosanganisira kushaya mari inokwana kuti atsikise mimanzi yemhando yepamusoro, kana kuitisawo mavhidhiyo ekuti agone kufadza vanotevera mimhanzi yake nekukwezva vamwe pamadandemutande ake.

Vhidheyo yekuona, Tanaka we Kwamuteka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00

Mumashoko ake kuvatsigiri vemimhanzi yake, Tanaka anoti anopa kutenda zvikuru uye anoshuvira kuti nzira dzake dzivhurwe kuitira kuti agone kuimba zvinofadza vakawanda uye agonewo kukwezva vanhu vakawanda kana achiridza.

Vanoda kumubata vanokwanisa kumuwana pamadandemutande anoti Facebook ne Youtube pasi pezita rekuti Tanaka Leslie.

Nhamba dzake dzenharembozha dzinoti +263 782 908 500.

Hurukuro neMuimbi Tanaka Muteka - WOZA FRIDAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG