Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo Pamberi peSarudzo, Vanopikisa Vachivapomera Mhosva yeKusataura neMwoyo Wese


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaukurudzira mhomho yevanhu yaungana pamarinda eHeroes Acre muHarare kuti vanyorese kuvhota vachiti munyika munofanira kugara muine runyarararo apo nyika yatarisana neesarudzo.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pakuvigwa kwegamba rehondo yerusununguko, Brigadier General Walter Kanhanga, avo vakashaya nemusi weChina svondo rapera.

VaMnangagwa vati rusununguko rwuri munyika rwakauya nekuzvipira kwemagamba akaita saVaKanhanga, nekudaro runofanira kuchengetedzwa.

Vati apo sarudzo dzegore rino dzave kusvika vanhu ngavanyorese kuvhota kuitira kuti vachengetedze rugaro nerunyararo rwuri munyika.

Vatiwo Zimbabwe inofanira kuregwa ichiita sarudzo dzayo murunyararo pasina vekunze vanopindira.

VaMnanangura vatsanangura VaKanhanga semunhu akaita basa guru pakusunungura Zimbabwe vakazoshanda muchiuto nemamwe makambani ehurumende apo vakasiya chiuto.

Nhengo dzeZanu kuHeroes' Acre
Nhengo dzeZanu kuHeroes' Acre

VaKanhanga, avo vakazvarwa musi wa6 Ndira 1950, vakashaya nemusi weChina svondo rapfuura vari kumba kwavo kuGuruve.

Mutauriri webato reMDC rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, vanoti hapana chitsva pane zvataurwa naVaMnangagwa, vachiti bato ravo reZanu PF ndiro rinokonzera mhirizhonga munyika.

Bato re Citizens Coalition for Change rinotiwo bato raVaMnangagwa harigoni kukunda sarudzo kana rirsina kuita zvemhirizhonga, nekudaro vanoti VaMnangagwa havarevesi kana vachiti vanoda runyararo.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziba vaudzda Studio 7 kuti VaMnangagwa vanofanirwa kunge vachitungamira ivo panyaya yekukurudzira runyararo munyika.

VaSiziba vanoti sebato, havatarisire kuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa vanhu vachiurayana.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Msaraure, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa havafaniriri kuperera mukutaura chete vachiti semutungamiriri wenyika vane simba rekumisa mhirizhonga pamwe nekuona kuti mapurisa asunga vanhu vanokonzeresa mhirizhonga.

Crisis in Zimbabwe Coalition
Crisis in Zimbabwe Coalition

VaMasaraure vanoti veruzhinji vanoda sarudzo dzinoitwa murunyararo, vachiti kana izvi zvikaitika vanhu vanovhota vakasununguka. Asi vanoti zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti sarudzo dzichakanganiswa nemhirizhonga.

Asi VaPeter Matangi veZanu PF vanoti VaMnangagwa vakagara vachitaura nezverunyararo uye kushoropodza mhirizhonga kubvira pavakapinda panyanga muna 2017.

Munyika munonzi nevamwe mave kuita semakaberekera ingwe, vemapato anopikisa, zvikuru vebato reCitizens’ Coalition for Change, vachishungurudzwa nekurohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Mune dzimwe nzvimbo, vebato reZanu PF vanotoonekwa pamavhidhiyo vachipika kuti havasi kuzobvumidza vanopikisa kuita madiro aJojina mumatunhu avo, asi havana matanho avanotorerwa.

Ukuwo, mapurisa anoti achasunga vose vanoita zvemhirizhonga, asi vanopikisa vanoti ari kutarisa kuti munhu abuda mumba maani, izvo mapurisa anoramba.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG