Accessibility links

Breaking News

Kushanya kwaVaMnangagwa kuEquatorial Guinea Vachiperekedzwa neMwanakomana Wavo VaEmmerson Jr. naVaTagwirei Kwosimudza Mutauro


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBelarus, VaAlexander Lukashenko
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBelarus, VaAlexander Lukashenko

Kushanya kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuEquatorial Guinea vari pabasa kwemazuva matatu vachiperekedzwa nemwanakomana wavo, VaEmmerson Mnangagwa Jr. pamwe navanamuzvinabhizimusi vaviri vanonzi vanodyidzana nehurumende, VaKuda Tagwirei naVaAlexander Zingman, kunonzi kwasimudza mutauro munyika.

Vari kushoropodza kuve muchikwata chehurumende kwevatatu ava vanoti uyu mucherechedzo wekuti mutungamiri wenyika vari kubata sei mabasa ehurumende, pachitariswa zvipomerwa zvehuwori zvinodirwa kuna VaTagwirei pamwe naVaEmmerson Jr.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti kunyange hazvo chiri chinhu chakashata, bumbiro remitemo yenyika rakatambirwa muna 2013 rinobvumidza mutungamiri wenyika kusarudza chero munhu waanoda kufamba naye parwendo rwake.

Doctor Zembe vanoti kuti izvi zvigadzirisike panofanirwa kutovandudzwa mutemo uyu kana kugadzirwa rimwe bumbiro remitemo rinobva muvanhu.

Asi Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti hapana chinorambidza vatatu ava kuve muzvirongwa zvehurumende sezvo vari zvizvarwa zveZimbabwe zvine kodzero yekuita zvemabhizimusi munyika sevamwe vose.

VaChirumhanzu vanoti mhuri dzevatungamiri venyika dzakawanda mupasi rose, kusanganisira muAmerica, dzinoonekwa dzichipinda muzvirongwa zvehurumende sezvakaitwa nemwanakomana waVaMnangagwa, asi kungoti vanhu havataure nezvazvo nekuti zvinenge zvisina kuitika muAfrica.

VaMnangagwa naVaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo vekuEquatorial Guinea
VaMnangagwa naVaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo vekuEquatorial Guinea

Equatorial Guinea inyika inonzi inochera mafuta negasi zvakawanda zvainototengesera kunyika dziri mhiri kwemakungwa, asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti huwori ndihwo hwatadzisa nyika iyi kubudirira.

Rwendo rwaVaMnangagwa nechikwata chavo, icho chaisanganisira mamwe makurukota ehurumende, rwakauya panguva iyo Zimbabwe iri kunzi yakawana gasi kuMuzarabani.

Aka hakasi kekutanga VaMnangagwa Junior vachinzi vawanikwa muchikwata chinofanirwa kunge chiri chehurumende.

Pamabiko akaitirwa mutungamiri wenyika yeBelarus, VaAlexander Lukashenko naVaMnangagwa, mwanakomana waVaMnangagwa anonzi akanga aripowo zvakare.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti idzi imviromviro dzehutongi hwehumbimbindoga hwekuti mutungamiri wenyika anopedzisira azvitenderedza nemhuri yake pamwe nevaanodyidzana navo.

Mutungamiri weEquatorial Guinea, VaTeodoro Obiang Nguema Mbasogo, avo vagara pachigaro kubva muna 1979, vanonzi vakadoma mwanakomana wavo, VaTeodoro Nguema Obiang Mangue kuti vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika iyi.

Hukana hweZimbabwe neEquatorial Guinea hunonzi hwakatanga nguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG