Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMasvingo Vochema Chema neKuendeswa Kune Vanoronda Zvikwereti


Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke
Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke

Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kutosvorana nekanzuru yavo iyo yakazivisa kuti ine chinangwa chekuendesa vane zvikwereti kumakambani anotevera zvikwereti vachiti vari mari dzemitero isiri kubhadharwa dzasvika pamabhiriyoni matatu emari yemunyika.

Mumwe mugari wemumusha weKMP, Amai Hilda Sibanda vanoti danho riri kuda kutorwa nekanzuru harina hungwaru sezvo ichazopedza mari yakawanda ichibhadhara makambani anotevera zvikwereti aya.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa mune rimwe sangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA), Muzvare Rumbidzai Magurupira vati kanzuru iri kuda kuomesera vagari asi mapazi ehurumende ane chikamu chakakura chezvikwereti pa 3 bhirioni haana zvaari kuitwa.

Meya weguta reMasvingo, VazCollen Maboke vati kanzuru yakatora danho iri nekuti irikutadza kuita mabasa ayo nemazvo nekushaya mari.

Vamwewo vagari vanoti kanzuru ndiyo iri kuita kuti vaite zvikwereti zvikuru sezvo mabhiri avo achiuya akakwira mwedzi wega wega.

Mabhiri evagari vazhinji ave kuuya ane mari dzinosvika zviuru makumi masere emadhora emunyika iyo inokwana kuita madhora makumi manonwe emari yekuAmerica pamusika wekubhanga.

Mari iyi inonzi yakawandisa sezvo vagari makore apfuura vaibhadhara mabhiri asingadariki madhora makumi maviri emari yekuAmerica.

Zvichakadaro vagari vedhorobha reChiredzi vari kuchema chemawo kuti mabhiri avo emvura nezvimwe akauya akakwirisa mwedzi uno vachiti havakwanisi kuabhadhara.

Vagari vataura neStuduio 7 vanoti mabhiri avo akauya akadarika zviuru zana zvemadhora emunyika apo vaimbobhadhara mari isingadariki zviuru makumi maviri.

nezvekufambiswa kwebasa musangano revagari reUnited Chiredzi Residents Association (UCHIRA), Amai Constance Chikumbo vati vagari vakawanda havakwanisi kubhara mari iyi.

Sachigaro wekanzuru yeChiredzi , VaGibson Hwende vati vagari vasarohwe nehana vachiti mabhiri aya akakanganiswa vakakurudzira kuti vaende kumahofisi avo zvinogadziriswa.

Vagari mumadhorobha maviri aya vanoti mabhiri avo ave kukwira mwedzi wega wega izvo zviri kuita kuti vaomerwe nehupenyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG