Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti Vari Kushushikana neKuurayiwa kweVatema neMapurisa Uye Kuwanikwa Nyore kwePfuti DzeChiuto


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vashora zvikuru mabatirwo ari kuitwa vanhurume vechitema nemapurisa muAmerica zvichitevera kuuraiwa kwa Tyrie Nichols chimwe chizvarwa cheAmerica chaigara kuMemphis nemapurisa mashanu.

VaBiden vange vachitaura mudare reparamende reUS Capitol muWashington DC.

Amai nababa VaTyrie Nichols vange vari muCongress umo uye VaBiden vataura mashoko ekuvanyaradza.

VaBiden vashora zvikuru nyaya yekushandiswa kwepfuti vachiti panofanira kudzikwa mitemo yekuti zvisave nyore kumunhuwo zvake kutenga pfuti dzemhando yepamusoro dzine mabara akawanda kana kuti “assault weapon”

Vakurudzirawo nyaya yekuchengetedzwa kwemamiriro ekunze vachiti izvi hazvinei nemapato.

Arkansas Governor Sarah Huckabee Sanders
Arkansas Governor Sarah Huckabee Sanders

Papedza VaBiden kutaura, gavhuna wekuArkansas Amai Sarah Huckabee Sanders vebato remaRepublicans vapawo maonero avo vachiti VaBiden vari kuzvipembedza asi vasina zvavakaita zvinobatika.

Amai Sanders vashorawo hutongi hwaVaBiden vachiti vakwegura uye ndivo mutungamiri atonga nyika yeAmerica akakwegura kukunda vamwe vese vakambo tungamira.

Nyaya yekutaura nezvemamiriro ezvinhu munyika kusanganisira hupfumi, zvematongerwo enyika nezvimwe kana kuti State of the Union Address inoitwa kamwechete pagore nemutungamiri wenyika sezviri mumbiro remutemo weAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Muzvinafundo Chipo Dendere
Muzvinafundo Chipo Dendere

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika muzvinafundo Chipo Dendere vanoti manzwi akaturwa naVaJoe Biden angaakanaka sezvo vakashora kubatwa kwevanhurume vechitema nemapurisa emuAmerica pamusoro pezvimwe zvavakataura. Vanoti amai Sanders vema Republicans vangadayi vakatora mukana wavakapihwa kuti vaturewo manzwi anobatanidza nyika kwete kungo shora VaBiden.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG