Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voparura Mamiriro Akaita Zvinhu muAmerica Vachiyambirawo China neRussia Kuti Dzisasvokosve America


State of the Union
State of the Union

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vaparura hurongwa hwemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Union Address mudare reparamende reUS Capitol muWashington DC.

Panyaya yeUkraine, VaBiden vati nyika yavo icharamba ichiitsigira muhondo neRussia. Vatiwo havasi kuzoregedza China ichiita madiro aJojina panyaya dzekudyidzana munyaya dzezvehupfumi uye kudzivirirwa kwenyika. Vati hapana munhu anofanira kubheja achiti America inokundwa.

Pange pachitaura VaBiden patafura yepamberi pange paine mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris uye mutauriri wedare reHouse of Representatives VaKelvin McCarthy.

State of the Union
State of the Union

VaBiden vati America inyika yakavakwa nekutsungirira zvikuru zvinoonekwa munguva yematabudziko. Vati makore maviri adarika nyika yeAmerica yange yaparadzwa nechirwere cheCovid-19 asi iko zvino yakwanisa kukunda nekugadzira mabasa akawanda

Vavimbisawo kudzikisa mutengo wemari wekutenga mishonga vachiti inodhura kudarika dzimwe nyika dzepasi rino.

VaBiden vatiwo donzvo ravo guru nderekuti vanhu vawane mabasa uye vanoti vabudirira kuita izvi.

Vakurudzirawo kubatana pakati pebato ravo remaDemocrats nerinopikisana nawo remaRepublicans vachiti hapana chinovatadzisa kuita izvi.

VaBiden vashorawo nyaya yekuurayiwa kwevanhu vatema nemapurisa emuAmerica vachiti hapafanire kuita rusarura. Vati vanouraya vanhu vanofanira kusungwa. Vatiwo panofanira kudzikwa mitemo yekuti zvisave nyore kutenga pfuti sezvo vanhu vakawanda vari kuurayiwa.

Papedza kutaura VaBiden gavhuna wekuArkansas Amai Sarah Huckabee Sanders vebato remaRepublicans vabva vapawo maonero avo vachiti VaBiden vari kungoita gudziramukanwa nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muAmerica uye mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira.

Gov. Sarah Huckabee Sanders, R-Ark
Gov. Sarah Huckabee Sanders, R-Ark

Amai Sanders vashorawo vemaDemocrats vachiti vanokonzera kusabatana nenyaya yekuda kumanikidza vanopikisa kuita zvisingaenderane nemafungiro avo.

Nyaya yekutaura nezvemamiriro ezvinhu munyika kusanganisira hupfumi, zvematongerwo enyika nezvimwe kana kuti State of the Union Address kana kuti SOTU inoitwa kamwechete pagore nemutungamiri wenyika sezviri mumbiro remutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG