Accessibility links

Breaking News

CCC Yokurudzira Kuvandudzwa kweMutemo weSarudzo


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) ratura zvarinoda kuti zvive mumutemo wesarudzo uri kuvandudzwa kana kuti Electoral Amendment Bill.

Tripple C inoti yakabvumirana nehurumende pane zvimwe zvacho zvakaita sekuti panofanira kuumbwa komiti ichatungamira kutambidzwa kwemasimba kune anenge akunda musarudzo kana kuti Transitional Committee uye kuti komiti iyi inofanira kunge ichitungamirwa nemunyori wekumahofisi emutungamiriri wenyika nedare remakurukota kana kuti Chief Secretary to the President and Cabinet.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi vanomirira Binga North muNational Assembly, VaPrince Dubeko Sibanda veTripple C vati bato ravo harisi kufara nebhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill iro ratove muparamende.

Vanotiwo zvinenge zvabuda musarudzo zvinofanira kuiswa pamadandemutande kuti munhu wese akwanise kuona kuti ndiani akunda.

Vanotiwo vanoda kuti mutemo wesarudzo upezvizvarwa zveZimbabwe zvinogra kunze mukana wekuvhota.

Vazivisa kuti vakasvitsa zvimwe zvavanoda kuti zvimwe mubhiri kugurukota rezvemutemo waZiyambi Ziyambi svondo rapera uye vakatobvumirana pane zvimwe zvakaita sekuti panofanira kuve nekunyoreswazve kwevahoti mamunzvimbo dzese munyika.

VaSibanda vatiu vanotarisira kuti nhengo dzese dzeparamende dzichadzitsigira zvisungo zvebato ravo zvisinei kuti ndevebato ripi vachiti ndizvo chete zvinoita kuti paitwe sarudzo dzakajeka.

Mutauriri werimwe remapato ari muparamende reMDC, VaWitnesss Dube vaudza Studio 7 kuti vanopiksa vanofanira kubatana kana vachida kuti mitemo ivandudzwe.

Vanokokera nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF muparamende, vachimirira Gutu South VaPupurayi Togrepi vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinotsigira bhiri rakaunzwa negurukota rezvemutemo kudare kwete zvriri kutaurwa neCCC.

Vachitaurawo pamusangano wanhasi vakafanobata chigarao chemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, VaIan Makone vati bato ravo rakagadzirira sarudzo uyewo richange rine vaongorori vesarudzo kana kuti maAgents panzvimbo dzese dzekuvhotera.

Vatiwo kunyange Zanu PF ikaita mhirizhonga hazvisi kuzovadzorera kumashure. Asi VaTogarepi vaiti zviri kuitwa neCCC kuchema kwevanhu vanoziva kuti vachakundwa musarudzo.

Zvichakadaro, paramende nezuro yakapindura vanonzi inhengo yeZanu-PF VaTonderai Chidawa kuti haina kukanganisa pakutambira gwaro rakabva kuZEC rakanzi rainge risina runyoro rwemakomishina ose eZEC. Gweta raVaChidawa VaMadhuku vati vamirira kunzwa kumatare.

Paramende iri kuzeya bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo uye zvimwe zviri mubhiri iri kuti vanenge vakapara mhosva dzemhirizhonga varambidzwe kupinda musarudzo uye kupa vechidiki nemadzimai zvigaro zvakati wandei mumakanzuru nemuparamende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG