Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzotenda Mari Iri Kutumirwa neVari Kunze, Asi Vamwe Vachiti Haisi Kuita Zvinosimudzira Nyika


Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze zvinotumira mari zvichishandisa nzira dzinosanganisira Western Union.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze zvinotumira mari zvichishandisa nzira dzinosanganisira Western Union.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti mari inotumirwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira mukuchengeta mhuri dzavo, uyewo mukusimudzira mabhizimusi kuburikidza nekushandiswa kunozoitwa mari idzi muzvitoro.

Ukuwo, vamwe vanoti kunyange hazvo yakakosha mari iyi, haisi kukwanisa kusimudzira nyika kuburikidza nekuiwanisa zvivakwa zvakaita semadhamu, migwagwa nemakambani, vachiti inoperera pamupini.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Doctor Charles Mutasa, vanoti mari iyi inokosha zvikuru sezvo ichibatsira kuyamura dzimhuri pamwechete nekuwanisa nyika mari yekunze.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, avo vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti paonekwe kuti mari dziri kutumirwa kubva kunze, dziri kuenda mukuraramisa mhuri imarii? Dziri kuenda kumabhizimusi imariiwo?

Asi muzvinabhizimusi, VaBusisa Moyo, vanoti kunyange hazvo mari idzi dzakakosha zvikuru, zvakakoshawo kuti paonekwe kuti vari kunze ava vangaitawo sei kuti mari dzavo dzipindewo mukusimudzira nyika kuburikidza nezvivakwa sezvavanoti zviri kuitika kune dzimwe nyika dzakaita seEthiopia.

Mutungamiri webato rinopikisa rePatriotic Zimbabweans Party, VaCharles Muchineripi Mutama, vanotiwo mari dzinobva kunze idzi dzakakosha zvikuru, uye hurumende haifanirwe kumirira kuwana mitero chete asi kuti iwanisewo vari kunze ava mikana kuburikidza nemaDiaspora Bond.

Vanoti bato ravo rakatosvitsa kurudziro iyi kuhurumende uye vanofara kuti hurumende yave nehurongwa hwekuti vari kunze vadyare mari dzavo munyika pasi pehurongwa hweZimbabwe Diaspora Bond.

Svondo rapera gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakazivisa kuti nyika yakawana mari inoita $1.66 billion yemadhora ekuAmerica kubva kuzvizvarwa zvayo zviri kunze zvaitumira mari kumusha.

Nyika inonzi iri kuwanawo mari yekunze.
Nyika inonzi iri kuwanawo mari yekunze.

Mumashoko avo ehurongwa hwemashandisirwo emari mugore rino ra2023, Doctor Mangudya vakazivisa kuti mari dzose dzakabva kunze mugore ra2022 dzakasvika paUS$2,80 billion, pamari iyi US1.66 billion iri yakatumirwa nevari kunze.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa ndizvo zviri pamusoro izvo zvakatumira US$583,375,863, zvichiteverwa nevari kuBritain, avo vakatumira US$361,681,114, kuchizouya vari kuAmerica, avo vakatumira US$158,920,458. Zvizvarwa zviri kuCanada Botswana, Ireland Germany, New Zealand neMalawi ndezvimwe zvakatumira mari dzakawanda.

Mari yakawanikwa gore rapera iyi yakakwira nezvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana kubva pamari yakatumirwa muna 2021, iyo yakasvika US$1,43 billion.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze zvinotumira mari kumusha zvichishandisa nzira dzinosanganisira Western Union, Mukuru neWorld Remit. Asi vamwe vanonzi vave kushandisawo nzira dzakaita seZelle.

Vamwe vanoongora zvehupfumi vanoti kusajeka kwemitemo inobata mabhizimusi munyika ndizvo zvimwe zvinogona kunge zviri kusvibisa mwoyo yevana veZimbabwe vari kunze kuti vasatanga mabhizimusi munyika kana kudyara mari dzavo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zviri kukurudzirawo kuti sezvo zviri kubatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika, zvinofanirwawo kupiwa mukana wekuvhota zviri munyika dzazvigere.

Asi hurumende inoti haina zvikwanisiro zvinoibvumidza kuita izvi pari zvino, kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakambenge vavimbisa kuti hurumende yavo ichaita izvi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri weStudio 7
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG