Accessibility links

Breaking News

VaNgarivhume Vomiswa Pamberi peDare Vachinzi Vaida Kupidigura Hurumende neKuratidzira


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume
Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume

Mufakazi panyaya iri kupomerwa mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe vachitungamirawo mutungamirawo sangano reJuly 31st Movement, VaJacob Ngarivhume, anoti munyika maisazove nekusagadzikana kana dai kuratidzira kwakanga kwashevedzerwa naVaNgarivhume kwakabudirira.

Izvi zvabuda pakutongwa kwenyaya iri kupomerwa VaNgarivhume yekunzi vakakurudzira mhirizhonga muna Chikunguru 2020. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

Vachipa hufakazi , mukuru wemapurisa eLaw and Order mudunhu reHarara, Officer Commanding Crime Edmore Muchineripi Runganga, vaudza dare kuti mashoko akaburitswa naVaNgarivhume paTwitter vachikurudzira veruzhinji kuti varatidzire aizokonzeresa mhirizhonga nekusagadzikana munyika sezvo vachiti vamwe vanhu vakaita saVaJim Kunaka vaimbova nhengo yeZanu-PF vakatobuda pachena kuti vaitoda kupandukira hurumende.

Vachibvunzurudzwa negweta raVaNgarivhume, VaLovemore Madhuku, VaRunganga vati VaNgarivhume ndivo muridzi wedandemutande repaTwitter rakashandiswa pakuburitsa mashoko aya vachiti havana kumbobvira varamba dandemutande iri pavaive mumawoko emapurisa.

VaRunganga vati havana kukwanisa kubata kambani yeTwitter pamusoro pepeji iri nekuda kwezvikonzero zvavasina kuda kudoma mudare kunyange hazvo vabvuma kuti kambani yeTwitter yoga ndiyo inokwanisa kutaura kuti peji reTwitter ndere musungwa ari pamberi pedare here kana kuti kwete.

VaRunganga vati zviri pachena kuti dandemutande reTwitter rakashandiswa iri nderaVaNgarivhume nekuti vakamboenda panhepfenyuro dzakasiyana vachikurudzira kuratidzira. Vatiwo vanoziva kuti vanhu vanogona kushandisa mazita asiri avo paTwitter kana paFacebook asi vati huchenjeri hwemapurisa hwakabuditsa pachena kuti dandemutande reTwitter rakashandiswa ndera VaNgarivhume.

Vachibvunzwa nemutongi, Amai Feresu Chakanyuka, kuti chii chinofanira kuitwa nemapurisa kuti vaone kuti peji repadandemutande reTwitter nderani, VaRunganga vati hurumende dzinofanira kunyorerana matsamba sezvo muZimbabwe musina kambani yeTwitter asi vati havana kuita izvi. VaMadhuku vati mapurisa haana kuita basa rawo nemazvo.

VaNgarivhume vati kumiswa kwavari kuitwa mumatare kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Vaenderera mberi vachiti izvi zvinopera chete kana ruzhinji rweZimbabwe nevemapato ezvematongerwo enyika vakabatana kuita chinhu chimwechete.

Mutongi wedare, Amai Feresu Chakanyuka, vati nyaya iyi igodzoka kudare musi waKukadzi 15, Apo muchuchusi Muzvare Tendai Shonhai, vakatarisirwa kushevedza mumwe mufakazi kuti ape huchapupu hwake mudare.

VaNgarivhume vanonzi vakabuditsa mashoko padandemutande ravo reTwitter vachikurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi waChikunguru 31, 2020 mukuraridzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano ravo reJuly 31st Movement.

Kuratidzira uku hakuna kuzobudirira mushure mekunge VaNgarivhume nevamwe kusanganisira mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vasungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG