Kutongwa kwemumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala vanova zvekare mutevedzeri wasachigaro webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakapesvedzera veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati muna Chikunguru 2020, kwaenderera mberi mudare ramejasitiriti muHarare nhasi mupurisa aiferefeta nyaya iyi achiti ari kutsvaga mutori wenhau weZimeye, Simba Chikanza.
Vachibvunzurudzwa nemagweta aVaSikhala, mupurisa akaferefeta nyaya iyi, VaVictor Mukohwa, vaudza dare kuti semapurisa vari kutsvaga mutori wenhau Simba Chikanza maererano nemhosva iri kupomerwa VaSikhala sezvo Chikanza ariye akaita hurukuro naVaSikhala iyo iri kushandiswa pakuvaroverera mudare.
VaMukohwa vabvuma kuti havana kumboedza kubata kambani yenhau inoshandirwa naChikanza kunyange hazvo varamba vakatsika madziro vachiti vakamutsvaga vakamushaya.
Asi mashoko aVaMukohwa aya apesana neaVaEdmore Runganga vanove mukuru wavo pabasa avo vakaudza dare kuti havasi kutsvaga Chikanza. VaMukohwa vati havasi kuziva kuti Chikanza vanomuwana kupi uye vati zvakare vari kutsvagawo vanzi mudare vanonzi VaNdimbali vebato reEFF vakanga vari muhurukuro yakaitwa naChikanza naVaSikhala iyi nechinangwa chekuvabvunzurudza.
Izvi zvabva zvaita kuti magweta ati mapurisa aitsvaga uta nemugate sezvo akanyora mumasitatimende ari pamberi pedare kuti vakaona mavhidhiyo mashanu asi akasarudza kushandisa vhidhiyo imwechete yanzi nemagweta aya haiburitse pachena mhosva iri kunzi yakaparwa naVaSikhala.
VaMukohwa varamba imwe sitatimende iri pamberi pedare ine runyoro rwavo vachiti havazive kuti sitatimende iyi yakasvika sei pamberi pedare. Asi rimwe remagweta aVaSikhala, VaHarrison Nkomo vati izvi zvinodaro nekuti mapurisa aiita mutemarege sezvo vaitsvagiridza mhosva kuti varoverere VaSikhala.
VaMukohwa vaudza dare kuti havazive kuti ndiyani akatora vhidhiyo yavari kushandisa kuroverera VaSikhala zvaita kuti vasaunze mufakazi anoziva nezvekutorwa kwevhidhiyo iyi kuti azopa humbowo.
Nokudaro vati havakwanise kutaura kuti vhidhiyo iyi ndeyechokwadi here kana kuti kwete asi vati VaSikhala havana kuramba kuti vakataura mashoko avanonzi vakataura muvhidhiyo iyi. As VaNkomo vati VaMukohwa munhu aratidza pachena kuti anonyepa sezvo VaSikhala vakanyora mumapepa ekupomerwa mhosva kana kuti warned and cautioned statement kuti havana chavanoziva nemhosva iyi.
VaMukohwa vatiwo vekambani yeFacebook pamwe neyeYoutube yakaramba kuvabatsira kuferefeta mushure mekunge makambani aya anyorerwa tsamba nebazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika. Asi VaNkomo vati izvi handichokwadi sezvo vatadza kubuditsa tsamba dzakanyorerwa kambani yeFacebook neYoutube nebazi rehurumende iri.
Rimwe remagweta aVaSikhala, VaPaul Mutsatsa, vati varatidza dare kuti VaMukohwa munhu asingataure chokwadi.
VaMutsatsa vati nyaya iyi ichadzoka mudare neChitatu sezvataurwa nemutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro.
VaSikhala vanonzi vakabuditsa vhidhiyo pamwe nekutaura mashoko akatapwa nesangano renhau repaindaneti reZimeye rine muzinda kuBritain vachikurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi waChikunguru 2020 mukuraridzira kwakanga kwashevedzerwa nesangano reJuly 31st Movement rinotungamirwa naVaJacob Ngarivhume.
Kuratidzira uku hakuna kuzobudirira mushure mekunge VaNgarivhume nevamwe vasungwa.
Facebook Forum